VaRoma 8:1-5
VaRoma 8:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu. Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi kuitwa nomurayiro pakushayiswa simba kwawo nomunhu wechivi, Mwari akazviita nokutuma Mwanakomana wake mumufananidzo wemunhu wechivi kuti ave chipiriso chechivi. Uye akapa mhosva kuchivi chiri mumunhu wechivi, kuitira kuti kururama kunodiwa nomurayiro kuzadziswe matiri, isu tisingafambi maererano nenyama asi maererano noMweya. Nokuti vaya vanorarama namararamiro enyama, pfungwa dzavo dzinofunga zvinodiwa nenyama; asi vaya vanorarama namararamiro oMweya, pfungwa dzavo dzinofunga zvoMweya.
VaRoma 8:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu. Nokuti murayiro woMweya woupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura pamurayiro wezvivi noworufu. Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurayiro, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, akapa mhosva zvivi zviri munyama; kuti zvakarehwa nomurayiro zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama, asi nomweya. Nokuti vari venyama vanofunga zvenyama; asi vari vomweya, vanofunga zvomweya.
VaRoma 8:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokudaro hapachisina anopiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti muna Kristu Jesu mutemo waMweya woupenyu wakandisunungura kumutemo wechitadzo noworufu. Mwari, nokutumira kwaakaita mwana wake pachake akafanana navanhu venyama uye sechibayiro chezvitadzo, akaita zvisina kukwanisika kuitwa nomutemo pamusana poutera hwavanhu, zvokuti akatongera chitadzo chiri muvanhu mhosva yokuparadzwa. Izvi zvakaitirwa kuti zviri pamwero zvinodiwa nomutemo zvizadzikiswe matiri isu tisingagari upenyu hwenyama asi upenyu hwomweya nokuti vanogara upenyu hwenyama pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvenyama asi vanogara upenyu hwomweya pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvomweya.
VaRoma 8:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo hakucina‐kupiwa mhoȿa kunaʋari munaKristu Jesu. Nokuti murairo woMŋeya woʋupenyu munaKristu Jesu wakandisunuŋgura pamurairo weɀiʋi noworufu. Nokuti, ɀakaŋga ɀisiŋgakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuɗa kwenyama, Mŋari pakutuma kwake Mŋanakomana wake nomufananidzo wenyama yeɀiʋi, nokuɗa kweɀiʋi, wakapa mhoȿa ɀiʋi ɀiri munyama; kuti ɀakarebga nomurairo ɀiitike matiri, isu tisiŋgafambi nenyama, asi nomŋeya. Nokuti ʋari ʋenyama ʋanofuŋga ɀenyama: asi ʋari ʋomŋeya, ʋanofuŋga ɀomŋeya.
VaRoma 8:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)