VaRoma 7:7-8
VaRoma 7:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino tichatiiko? Murayiro chivi here? Kwete! Zvirokwazvo ndingadai ndisina kuziva kuti chivi chii dai murayiro wakanga usipo. Nokuti ndingadai ndisina kuziva kuti kuchiva chii kudai murayiro usina kuti, “Usachiva.” Asi chivi, chakawana mukana kubudikidza nomurayiro, chakaita mandiri mitoo yose yokuchiva. Nokuti kunze kwomurayiro, chivi chakafa.
VaRoma 7:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino tichatiiko? Murayiro zvivi here? Haisva! Asi handizaiziva zvivi kana murayiro usaivapo; nokuti handizaiziva kuchiva, kana murayiro usina kuti, “Usachiva;” zvino zvivi zvakawana nzira nomurayiro, zvikaita mandiri mitoo yose yokuchiva; nokuti kunze kwomurayiro zvivi zvakafa.
VaRoma 7:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino toti kudiiko? Toti here mutemo chitadzo? Kwete. Asiwo dai pasina mutemo, ndingadai ndisina kumboziva chinonzi chitadzo. Ndingadai ndisina kumboziva chinonzi kuchiva dai kuri kuti mutemo hauna kuti, “Usachive.” Asi chitadzo chakawana mukana mumutemo wokumutsa nawo mandiri nzira dzose dzokuchiva nadzo. Pasina mutemo, chitadzo chakafa.
VaRoma 7:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ticatiyiko? Murairo ɀiʋi here? Haiȿa! Asi handizaiziʋa ɀiʋi kana murairo usaiʋa’po; nokuti handizaiziʋa kuciʋa, kana murairo usina‐kuti: Usaciʋa; ɀino ɀiʋi ɀakawana nzira nomurairo, ɀikaita mandiri mitoʋo yose yokuciʋa; nokuti kunze kwomurairo ɀiʋi ɀakafa.
VaRoma 7:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)