VaRoma 7:21-25
VaRoma 7:21-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka ndinoona murayiro uyu uchishanda: Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo pandiri. Nokuti mukatikati mangu ndinofarira murayiro waMwari; asi ndinoona mumwe murayiro uchishanda mumitezo yomuviri wangu, uchirwisana nomurayiro wepfungwa dzangu uye uchindiita musungwa womurayiro wechivi uri kushanda mumitezo yangu. Ndiri munhu ari pakutambudzika kwakadii! Ndiani achandinunura kubva mumuviri uno worufu? Mwari ngaavongwe kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu! Saka naizvozvo, ini pachangu, mupfungwa dzangu, ndiri muranda kumurayiro waMwari, asi panyama muranda kumurayiro wechivi.

VaRoma 7:21-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo ndinowana murayiro uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri. Nokuti ndinofarira murayiro waMwari nomunhu womukati; asi ndinoona mumwe murayiro pamitezo yangu, unorwa nomurayiro womurangariro wangu, unonditapira kumurayiro wezvivi uri pamitezo yangu. Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko achandisunungura pamuviri worufu urwu? Mwari ngaavongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu. Naizvozvo nomurangariro ndinobatira Mwari, asi nenyama murayiro wezvivi.
VaRoma 7:21-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saka ndavakutozviona somutemo kuti kana ndichida kuita zvakanaka, chakaipa chinenge chiri pedyo pedyo. Zviripo ndezvokuti, ini mukatikati mangu chaimo, ndinofarira mutemo waMwari. Asi ndinoona kuti mumitezo yangu mune mumwewo mutemo unorwisana nomutemo uri mupfungwa dzangu uchindiita muranda womutemo wakamwoyo kaya kokuda kutadza kanogara mumitezo yangu. Zvino ini, panguwo pano, ndiani achandinunura kumuviri wangu uyu worufu. Ndinotenda Mwari kuti ndinonunurwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Saka zviripo ndezvokuti ini pachangu ndinochengeta mutemo waMwari nepfungwa dzangu asi nenyama yangu ndinotevera mutemo wechitadzo.
VaRoma 7:21-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ndinowana murairo uyu kuti kana ndiciɗa kuita ɀakanaka, ɀakaipa ɀiri’po kwandiri. Nokuti ndinofarira murairo waMŋari nomunhu womukati; asi ndinoʋona mumŋe murairo pamitezo yaŋgu, unorwa nomurairo womuraŋgariro waŋgu, unonditapira kumurairo weɀiʋi uri pamitezo yaŋgu. Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko ucandisunuŋgura pamuʋiri worufu urwu? Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, naJesu Kristu, Ishe weɗu. Naiɀoɀo nomuraŋgariro ndinoɓatira Mŋari, asi nenyama murairo weɀiʋi.
VaRoma 7:21-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)