VaRoma 7:14-24
VaRoma 7:14-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tinoziva kuti murayiro ndowomweya; asi ini handisi woMweya, ndakatengeswa senhapwa kuchivi. Handinzwisisi zvandinoita. Nokuti zvandinoda kuita handizviiti, asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita. Uye kana ndikaita zvandisingadi kuita, ndinobvuma kuti murayiro wakanaka. Saka zvino, handisiri ini ndinozviita, asi chivi chinorarama mandiri. Ndinoziva kuti hapana chakanaka chinogara mandiri, imo munyama yangu. Nokuti ndine chido chokuita zvakanaka, asi handigoni kuzviita. Nokuti zvandinoita hazvisi zvakanaka zvandinoda kuita, kwete, asi zvakaipa zvandisingadi kuita izvo ndizvo zvandinoramba ndichiita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chinozviita. Saka ndinoona murayiro uyu uchishanda: Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo pandiri. Nokuti mukatikati mangu ndinofarira murayiro waMwari; asi ndinoona mumwe murayiro uchishanda mumitezo yomuviri wangu, uchirwisana nomurayiro wepfungwa dzangu uye uchindiita musungwa womurayiro wechivi uri kushanda mumitezo yangu. Ndiri munhu ari pakutambudzika kwakadii! Ndiani achandinunura kubva mumuviri uno worufu?
VaRoma 7:14-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti tinoziva kuti murayiro ndowemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pezvivi. Nokuti zvandinoita handizvizivi; nokuti zvandinoita hazvizi zvandinoda; asi zvandinovenga, ndizvo zvandinoita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi, ndinobvumira kuti murayiro wakanaka Zvino handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri. Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo. Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri. Naizvozvo ndinowana murayiro uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri. Nokuti ndinofarira murayiro waMwari nomunhu womukati; asi ndinoona mumwe murayiro pamitezo yangu, unorwa nomurayiro womurangariro wangu, unonditapira kumurayiro wezvivi uri pamitezo yangu. Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko achandisunungura pamuviri worufu urwu?
VaRoma 7:14-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tinozviziva kuti mutemo ndewezvemweya asi ini ndiri munhu wenyama. Ndakatengeswa kukamwoyo kokuda kutadza. Handinzwisisi zvandinoita. Ndinodaro nokuti handiiti zvandinoda kuita. Asi ndinoita izvo zvandisingadi kuita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, zvinoreva kuti ndinobvuma kuti mutemo wakanaka. Naizvozvo handisirini ndinozviita asi kamwoyo kokuda kutadza kanogara mandiri. Chandinoziva apa ndechokuti hapana chakanaka chinogara mandiri. Ndiri kureva mumuviri wangu nokuti ndingade zvangu kuita zvakarurama asi handikwanisi kuzviita nokuti zvakanaka zvandinoda kuita handizviiti asi zvakaipa zvandisingadi kuita ndizvo zvandinoita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisirini ndiri kuzviita asi kamwoyo kokuda kutadza kanogara mandiri kaya. Saka ndavakutozviona somutemo kuti kana ndichida kuita zvakanaka, chakaipa chinenge chiri pedyo pedyo. Zviripo ndezvokuti, ini mukatikati mangu chaimo, ndinofarira mutemo waMwari. Asi ndinoona kuti mumitezo yangu mune mumwewo mutemo unorwisana nomutemo uri mupfungwa dzangu uchindiita muranda womutemo wakamwoyo kaya kokuda kutadza kanogara mumitezo yangu. Zvino ini, panguwo pano, ndiani achandinunura kumuviri wangu uyu worufu.
VaRoma 7:14-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti tinoziʋa kuti murairo ndowomŋeya; asi ini ndiri wenyama, ndakateŋgeswa pasi peɀiʋi. Nokuti ɀandinoita handiɀiziʋi; nokuti ɀandinoita haɀizi ɀandinoɗa; asi ɀandinoʋeŋga, ndiɀo ɀandinoita. Ɀino kana ndiciita ɀandisiŋgadi, ndinobvumira kuti murairo wakanaka. Ɀino handicini ndinoɀiita, asi ɀiʋi ɀinogara mandiri. Nokuti ndinoziʋa kuti mukati maŋgu, imo munyama yaŋgu, hamugari cinhu cakanaka; nokuti kuɗa kuri’po kwandiri, asi kuita ɀakanaka haku’po. Nokuti ɀakanaka, ɀandinoɗa, handiɀiiti; asi ɀakaipa, ɀandisiŋgaɗi, ndiɀo ɀandinoita. Ɀino kana ndiciita ɀandisiŋgaɗi, handicini ndinoɀiita, asi ɀiʋi ɀinogara mandiri. Naiɀoɀo ndinowana murairo uyu kuti kana ndiciɗa kuita ɀakanaka, ɀakaipa ɀiri’po kwandiri. Nokuti ndinofarira murairo waMŋari nomunhu womukati; asi ndinoʋona mumŋe murairo pamitezo yaŋgu, unorwa nomurairo womuraŋgariro waŋgu, unonditapira kumurairo weɀiʋi uri pamitezo yaŋgu. Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko ucandisunuŋgura pamuʋiri worufu urwu?
VaRoma 7:14-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)