VaRoma 7:14-16
VaRoma 7:14-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tinoziva kuti murayiro ndowomweya; asi ini handisi woMweya, ndakatengeswa senhapwa kuchivi. Handinzwisisi zvandinoita. Nokuti zvandinoda kuita handizviiti, asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita. Uye kana ndikaita zvandisingadi kuita, ndinobvuma kuti murayiro wakanaka.
VaRoma 7:14-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti tinoziva kuti murayiro ndowemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pezvivi. Nokuti zvandinoita handizvizivi; nokuti zvandinoita hazvizi zvandinoda; asi zvandinovenga, ndizvo zvandinoita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi, ndinobvumira kuti murayiro wakanaka
VaRoma 7:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tinozviziva kuti mutemo ndewezvemweya asi ini ndiri munhu wenyama. Ndakatengeswa kukamwoyo kokuda kutadza. Handinzwisisi zvandinoita. Ndinodaro nokuti handiiti zvandinoda kuita. Asi ndinoita izvo zvandisingadi kuita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, zvinoreva kuti ndinobvuma kuti mutemo wakanaka.
VaRoma 7:14-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti tinoziʋa kuti murairo ndowomŋeya; asi ini ndiri wenyama, ndakateŋgeswa pasi peɀiʋi. Nokuti ɀandinoita handiɀiziʋi; nokuti ɀandinoita haɀizi ɀandinoɗa; asi ɀandinoʋeŋga, ndiɀo ɀandinoita. Ɀino kana ndiciita ɀandisiŋgadi, ndinobvumira kuti murairo wakanaka.
VaRoma 7:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)