Svetukira kuzviri mukati

VaRoma 6:6-8 - Enzanisa Shanduro Dzose

VaRoma 6:6-8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Nokuti tinoziva kuti munhu wedu wakare akarovererwa pamuchinjikwa pamwe chete naye kuti muviri wechivi ushayiswe simba, kuti tirege kuvazve varanda vechivi, nokuti uyo anenge afa asunungurwa kubva kuchivi. Zvino kana takafa naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe chete naye.

VaRoma 6 BDSC

VaRoma 6:6-8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi; nokuti akafa, aruramiswa pazvivi. Zvino kana takafa pamwechete naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwechete naye

VaRoma 6 SNA2002

VaRoma 6:6-8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

ticiziʋa iɀi, kuti munhu weɗu wekare wakaroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye, kuti muʋiri weɀiʋi ushaiswe simba, tirege kuzoʋa ʋaranda ʋeɀiʋi; nokuti wakafa, waruramiswa paɀiʋi. Ɀino kana takafa pamŋe cete naKristu, tinotenda kuti ticararama ʋo pamŋe cete naye

VaRoma 6 SUB1949

VaRoma 6:6-8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Tinoziva kuti humunhu hwedu hwakare hwakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye kuti muviri wezvitadzo uparadzwe uye kuitirawo kuti tirege kuva varanda vechitadzo nokuti munhu anenge afa atosunungurwa kuchitadzo. Asi kana takafa pamwe naKristu kudai tinodavira kuti tichararamawo pamwechete naye.

VaRoma 6 SCLB

VaRoma 6:6-8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

VaRoma 6 SCLBD