VaRoma 6:3-6
VaRoma 6:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ko, hamuzivi here kuti isu tose vaya vakabhabhatidzwa muna Kristu Jesu takabhabhatidzwa murufu rwake? Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva. Nokuti kana takabatanidzwa naye zvakadai murufu rwake, zvirokwazvo tichabatanawo naye mukumuka kwake. Nokuti tinoziva kuti munhu wedu wakare akarovererwa pamuchinjikwa pamwe chete naye kuti muviri wechivi ushayiswe simba, kuti tirege kuvazve varanda vechivi
VaRoma 6:3-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ko hamuzivi here kuti isu takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake? Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwechete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuo tifambe noupenyu hutsva. Nokuti kana takava vamwe naye pakufanana naye parufu rwake, tichadarowo pakumuka kwake; tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi
VaRoma 6:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hamuzivi here kuti isu tose takaombekwa muna Kristu Jesu. Takaombekwa murufu rwake. Naizvozvo takavigwa pamwechete naye nokuombekwa murufu rwake kuti sokumutswa kwakaitwa Kristu kuvafi nembiri yaBaba isuwo tifambe muupenyu hutsva. Kana takabatana naye murufu rwaakaita serwake tichabatanawo naye mukumuka kwaakaita. Tinoziva kuti humunhu hwedu hwakare hwakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye kuti muviri wezvitadzo uparadzwe uye kuitirawo kuti tirege kuva varanda vechitadzo
VaRoma 6:3-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko hamuziʋi here kuti isu takabapatidzwa munaKristu Jesu, takabapatidzwa murufu rwake? Naiɀoɀo pakubapatidzwa takaʋigwa pamŋe cete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuʋakafa nokubginya kwaƂaɓa, saiɀoɀo nesu ʋo tifambe noʋupenyu bgutȿa. Nokuti kana takaʋa ʋamŋe naye pakufanana naye parufu rwake, ticaɗaro ʋo pakumuka kwake; ticiziʋa iɀi, kuti munhu weɗu wekare wakaroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye, kuti muʋiri weɀiʋi ushaiswe simba, tirege kuzoʋa ʋaranda ʋeɀiʋi
VaRoma 6:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)