VaRoma 6:19 - Enzanisa Shanduro Dzose
VaRoma 6:19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinotaura izvi nokutaura kwavanhu nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu. Sezvamaingopa mitezo yemiviri yenyu kuuranda hwokusachena uye nokuipa kunoramba kuchingowanda, saka zvino ipei kuuranda hwokururama hunoendesa kuutsvene.
VaRoma 6:19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kune zvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vokururama kunoisa kuutsvene.
VaRoma 6:19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ndinotaura nokutaura kwaʋanhu, nokuɗa kwokushaiwa simba kwenyama yenyu; nokuti seɀamakapa mitezo yenyu kuti iʋe ʋaranda ʋetȿina, naʋeɀisakarurama ɀinoisa kuneɀisakarurama, saiɀoɀo ipai mitezo yenyu ɀino iʋe ʋaranda ʋokururama kunoisa kuʋutȿene.
VaRoma 6:19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tava kutaura zvedu savanhu, sezvinhu zvinongowanikawo muvanhu, pamusana poutera. Sezvamakambopa nhengo dzenyu kune zvetsvina uye nokuhuipi hwakaipisisa, saizvozvowo chipai nhengo dzenyu kune zvakarurama kuti muitwe vatsvene.
VaRoma 6:19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Tava kutaura zvedu savanhu, sezvinhu zvinongowanikawo muvanhu, pamusana poutera. Sezvamakambopa nhengo dzenyu kune zvetsvina uye nokuhuipi hwakaipisisa, saizvozvowo chipai nhengo dzenyu kune zvakarurama kuti muitwe vatsvene.