VaRoma 6:11-14 - Compare All Versions
VaRoma 6:11-14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nenzira imwe cheteyo, nemiwo munofanira kuziva kuti makafa kuchivi, asi muri vapenyu kuna Mwari muna Kristu Jesu. Naizvozvo musatendera chivi kuti chibate ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwacho. Musapa mitezo yomuviri wenyu kuchivi, kuti ive nhumbi dzokuita zvisakarurama, asi zvipei kuna Mwari, savaya vakabviswa kurufu vachiiswa kuupenyu; uye ipai mitezo yomuviri wenyu kwaari ive nhumbi dzokururama. Nokuti chivi hachichazovi nesimba pamusoro penyu, nokuti hamusi pasi pomurayiro, asi pasi penyasha.
VaRoma 6:11-14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saizvozvo nemiwo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kuna Mwari, muna Kristu Jesu. Naizvozvo zvivi ngazvirege kubata ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwawo; uye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipe imi kuna Mwari, savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokururama kuna Mwari. Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurayiro asi pasi penyasha.
VaRoma 6:11-14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Naizvozvo imiwo munofanira kuzviona kuti, kuchitadzo muri vanhu vakafa; asi Mwari ari iye upenyu hwenyu muna Kristu Jesu. Naizvozvo chitadzo ngachirege kukutongai mumiviri yenyu inofa chichiita kuti muteerere havi dzawo. Musape nhengo dzenyu kuti dzishandiswe kutadza semidziyo yokuita nayo zvakaipa asi zvipei kuna Mwari savanhu vakabviswa murufu vachiendeswa kuupenyu mupe nhengo dzenyu kuna Mwari semidziyo yokushandisa mune zvakarurama. Chitadzo hachizokutongai nokuti hamusi pasi pomutemo asi muri pasi penyasha.
VaRoma 6:11-14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Saiɀoɀo nemi ʋo muɀiti makafa kuɀiʋi, asi kuti muri ʋapenyu kunaMŋari, munaKristu Jesu. Naiɀoɀo ɀiʋi ŋgaɀirege kuɓata ʋushe mumuʋiri wenyu unofa, kuti muterere kuciʋa kwawo; ʋuye musapa ɀiʋi mitezo yenyu, kuti dziʋe nhumbi dzokuita ɀisakarurama; asi muɀipei imi kunaMŋari, saʋanhu ʋakararama kuʋakafa, nemitezo yenyu kuti dziʋe nhumbi dzokururama kunaMŋari. Nokuti ɀiʋi haɀiŋgaʋi nesimba pamsoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha.
VaRoma 6:11-14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)