VaRoma 6:1-23
VaRoma 6:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino tichatiiko? Toramba tichiita zvivi here kuti nyasha dziwande? Kwete napaduku pose! Takafa kuzvivi; tingararama sei mazviri zvakare? Ko, hamuzivi here kuti isu tose vaya vakabhabhatidzwa muna Kristu Jesu takabhabhatidzwa murufu rwake? Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva. Nokuti kana takabatanidzwa naye zvakadai murufu rwake, zvirokwazvo tichabatanawo naye mukumuka kwake. Nokuti tinoziva kuti munhu wedu wakare akarovererwa pamuchinjikwa pamwe chete naye kuti muviri wechivi ushayiswe simba, kuti tirege kuvazve varanda vechivi, nokuti uyo anenge afa asunungurwa kubva kuchivi. Zvino kana takafa naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe chete naye. Nokuti sezvo tichiziva kuti Kristu akamutswa kubva kuvakafa, haachazofizve; rufu harusisina simba pamusoro pake. Rufu rwaakafa, akafa kuchivi kamwe chete zvikabva zvapera; asi upenyu hwaanorarama, anoraramira Mwari. Nenzira imwe cheteyo, nemiwo munofanira kuziva kuti makafa kuchivi, asi muri vapenyu kuna Mwari muna Kristu Jesu. Naizvozvo musatendera chivi kuti chibate ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwacho. Musapa mitezo yomuviri wenyu kuchivi, kuti ive nhumbi dzokuita zvisakarurama, asi zvipei kuna Mwari, savaya vakabviswa kurufu vachiiswa kuupenyu; uye ipai mitezo yomuviri wenyu kwaari ive nhumbi dzokururama. Nokuti chivi hachichazovi nesimba pamusoro penyu, nokuti hamusi pasi pomurayiro, asi pasi penyasha. Zvino tichatiiko? Titadze here nokuti hatisi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Kwete napaduku pose! Hamuzivi here kuti kana mukazvipa kuno mumwe munhu kuti mumuteerere savaranda, muri varanda kuno uyo wamunoteerera, mungava varanda vechivi, chinoendesa kurufu kana vokuteerera, kunoendesa kukururama? Asi Mwari ngaavongwe nokuti, kunyange zvenyu maimbova varanda vechivi, makateerera nomwoyo wenyu wose kurudzi rwedzidziso yamakanga mapiwa. Makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vokururama. Ndinotaura izvi nokutaura kwavanhu nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu. Sezvamaingopa mitezo yemiviri yenyu kuuranda hwokusachena uye nokuipa kunoramba kuchingowanda, saka zvino ipei kuuranda hwokururama hunoendesa kuutsvene. Pamakanga muri varanda vechivi, makanga makasununguka kubva pakutonga kwakarurama. Zvino makawaneiko panguva iyoyo kubva pazvinhu zvamunonyadziswa nazvo, iye zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu! Asi zvino makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vaMwari, zvibereko zvamunokohwa zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.
VaRoma 6:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino tichatiiko? Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here? Haisva! Isu takafa kuzvivi, tichagara seiko mukati mazvo? Ko hamuzivi here kuti isu takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake? Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwechete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuo tifambe noupenyu hutsva. Nokuti kana takava vamwe naye pakufanana naye parufu rwake, tichadarowo pakumuka kwake; tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi; nokuti akafa, aruramiswa pazvivi. Zvino kana takafa pamwechete naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwechete naye; tichiziva kuti Kristu, amutswa kuvakafa, haachazofi; rufu haruchavi nesimba pamusoro pake. Nokuti pakufa kwake, akafa kamwe kwazvo kuzvivi; zvino pakurarama kwake, anorarama kuna Mwari. Saizvozvo nemiwo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kuna Mwari, muna Kristu Jesu. Naizvozvo zvivi ngazvirege kubata ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwawo; uye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipe imi kuna Mwari, savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokururama kuna Mwari. Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Zvino tichatiiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurayiro here, asi pasi penyasha? Haisva! Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana wokuteerera kunoisa kukururama? Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imi maiva varanda vezvivi, mukazoteerera nomwoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi. Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama. Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kune zvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vokururama kunoisa kuutsvene. Nokuti panguva iyo muchiri varanda vezvivi, makanga makasununguka pakururama. Zvino maiva nezvibereko zveiko panguva iyo pazvinhu izvo zvamunonyadziswa nazvo zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu. Asi zvino makasunungurwa pazvivi, mava varanda vaMwari, mune zvibereko zvenyu zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi. Nokuti mubayiro wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu, Ishe wedu.
VaRoma 6:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino totiiko? Toramba tiri muchitadzo here kuti nyasha dzifashukire? Kwete, handizvo. Zvingaitike sei kuti, isu kuchitadzo, tiri vanhu vakafa, tirambe tichirarama machiri. Hamuzivi here kuti isu tose takaombekwa muna Kristu Jesu. Takaombekwa murufu rwake. Naizvozvo takavigwa pamwechete naye nokuombekwa murufu rwake kuti sokumutswa kwakaitwa Kristu kuvafi nembiri yaBaba isuwo tifambe muupenyu hutsva. Kana takabatana naye murufu rwaakaita serwake tichabatanawo naye mukumuka kwaakaita. Tinoziva kuti humunhu hwedu hwakare hwakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye kuti muviri wezvitadzo uparadzwe uye kuitirawo kuti tirege kuva varanda vechitadzo nokuti munhu anenge afa atosunungurwa kuchitadzo. Asi kana takafa pamwe naKristu kudai tinodavira kuti tichararamawo pamwechete naye. Tinoziva kuti Kristu zvaakamutswa kuvakafa haachazofazve. Rufu haruchamutongazve. Nokufa kwaakaita, kuchitadzo, akava munhu akafa chakamwe asi upenyu hwake iye zvino anoraramira Mwari. Naizvozvo imiwo munofanira kuzviona kuti, kuchitadzo muri vanhu vakafa; asi Mwari ari iye upenyu hwenyu muna Kristu Jesu. Naizvozvo chitadzo ngachirege kukutongai mumiviri yenyu inofa chichiita kuti muteerere havi dzawo. Musape nhengo dzenyu kuti dzishandiswe kutadza semidziyo yokuita nayo zvakaipa asi zvipei kuna Mwari savanhu vakabviswa murufu vachiendeswa kuupenyu mupe nhengo dzenyu kuna Mwari semidziyo yokushandisa mune zvakarurama. Chitadzo hachizokutongai nokuti hamusi pasi pomutemo asi muri pasi penyasha. Ko zvino topara zvitadzo pamusana pokuti hatisi pasi pomutemo asi pasi penyasha here? Handizvo. Hamuzivi here kuti mukazviisa mumaoko omumwe munhu savaranda vanomuteerera, matova varanda vomunhu iyeyo wamunoteerera? Chingave chitadzo chamunoteerera chinosvitsa kurufu kana kuteerera kunotsvitsa mukururama. Asi tinotenda Mwari kuti, imi makambenge muri varanda vechitadzo, mava kuteerera nemwoyo wose chidzidziso chiri pamwero chamakazvipira kwachiri. Madaro kuzvisunungura kuchitadzo, makave varanda voururami. Tava kutaura zvedu savanhu, sezvinhu zvinongowanikawo muvanhu, pamusana poutera. Sezvamakambopa nhengo dzenyu kune zvetsvina uye nokuhuipi hwakaipisisa, saizvozvowo chipai nhengo dzenyu kune zvakarurama kuti muitwe vatsvene. Pamaiva varanda vechitadzo makanga makasununguka kuita zvakarurama noururami. Asi chii chamakawana muzvinhu izvozvo zvamavakutonyara nazvo. Mugumo wazvo rufu. Zvino zvamakasunungurwa muchitadzo mukava varanda vaMwari, mubayiro wamunowana kuitwa vatsvene. Uye mugumo wazvo upenyu usingaperi nokuti mubayiro wechitadzo rufu. Asi chipo chaMwari chaanopa pachena upenyu husingaperi muna Jesu Kristu Tenzi wedu.
VaRoma 6:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ticatiyiko? Torambira muɀiʋi kuti nyasha dziwande here? Haiȿa! Isu takafa kuɀiʋi, ticagara seiko mukati maɀo? Ko hamuziʋi here kuti isu takabapatidzwa munaKristu Jesu, takabapatidzwa murufu rwake? Naiɀoɀo pakubapatidzwa takaʋigwa pamŋe cete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuʋakafa nokubginya kwaƂaɓa, saiɀoɀo nesu ʋo tifambe noʋupenyu bgutȿa. Nokuti kana takaʋa ʋamŋe naye pakufanana naye parufu rwake, ticaɗaro ʋo pakumuka kwake; ticiziʋa iɀi, kuti munhu weɗu wekare wakaroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye, kuti muʋiri weɀiʋi ushaiswe simba, tirege kuzoʋa ʋaranda ʋeɀiʋi; nokuti wakafa, waruramiswa paɀiʋi. Ɀino kana takafa pamŋe cete naKristu, tinotenda kuti ticararama ʋo pamŋe cete naye; ticiziʋa kuti Kristu, amutswa kuʋakafa, haacazofi; rufu harucaʋi nesimba pamsoro pake. Nokuti pakufa kwake, wakafa kamŋe kwaɀo kuɀiʋi; ɀino pakurarama kwake, unorarama kunaMŋari. Saiɀoɀo nemi ʋo muɀiti makafa kuɀiʋi, asi kuti muri ʋapenyu kunaMŋari, munaKristu Jesu. Naiɀoɀo ɀiʋi ŋgaɀirege kuɓata ʋushe mumuʋiri wenyu unofa, kuti muterere kuciʋa kwawo; ʋuye musapa ɀiʋi mitezo yenyu, kuti dziʋe nhumbi dzokuita ɀisakarurama; asi muɀipei imi kunaMŋari, saʋanhu ʋakararama kuʋakafa, nemitezo yenyu kuti dziʋe nhumbi dzokururama kunaMŋari. Nokuti ɀiʋi haɀiŋgaʋi nesimba pamsoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha. Ɀino ticatiyiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haiȿa! Hamuziʋi here, kuti uyo wamunoɀipa kwaari kuti muʋe ʋaranda ʋake kumuterera, kuti muri ʋaranda ʋaiye wamunoterera; kana ʋeɀiʋi ɀinoisa kurufu, kana ʋokuterera kunoisa kukururama? Asi Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, nokuti imi maiʋa ʋaranda ʋeɀiʋi, mukazoterera nomŋoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi. Makasunuŋgurwa paɀiʋi, mukaʋa ʋaranda ʋokururama. Ndinotaura nokutaura kwaʋanhu, nokuɗa kwokushaiwa simba kwenyama yenyu; nokuti seɀamakapa mitezo yenyu kuti iʋe ʋaranda ʋetȿina, naʋeɀisakarurama ɀinoisa kuneɀisakarurama, saiɀoɀo ipai mitezo yenyu ɀino iʋe ʋaranda ʋokururama kunoisa kuʋutȿene. Nokuti paŋguʋa iyo muciri ʋaranda ʋeɀiʋi, makaŋga makasunuŋguka pakururama. Ɀino maiʋa neɀiɓereko ɀeiko paŋguʋa iyo paɀinhu iɀo ɀamunonyadziswa naɀo ɀino? Nokuti kuguma kwaɀo ndirwo rufu. Asi ɀino makasunuŋgurwa paɀiʋi, maʋa ʋaranda ʋaMŋari, muneɀiɓereko ɀenyu ɀinoisa kuʋutȿene, ʋuye kuguma kwaɀo ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi. Nokuti muɓairo weɀiʋi ndirwo rufu; asi cipo cokuŋgopiwa caMŋari ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi munaKristu Jesu, Ishe weɗu.
VaRoma 6:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)