Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 6:1-14

VaRoma 6:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino tichatiiko? Toramba tichiita zvivi here kuti nyasha dziwande? Kwete napaduku pose! Takafa kuzvivi; tingararama sei mazviri zvakare? Ko, hamuzivi here kuti isu tose vaya vakabhabhatidzwa muna Kristu Jesu takabhabhatidzwa murufu rwake? Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva. Nokuti kana takabatanidzwa naye zvakadai murufu rwake, zvirokwazvo tichabatanawo naye mukumuka kwake. Nokuti tinoziva kuti munhu wedu wakare akarovererwa pamuchinjikwa pamwe chete naye kuti muviri wechivi ushayiswe simba, kuti tirege kuvazve varanda vechivi, nokuti uyo anenge afa asunungurwa kubva kuchivi. Zvino kana takafa naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe chete naye. Nokuti sezvo tichiziva kuti Kristu akamutswa kubva kuvakafa, haachazofizve; rufu harusisina simba pamusoro pake. Rufu rwaakafa, akafa kuchivi kamwe chete zvikabva zvapera; asi upenyu hwaanorarama, anoraramira Mwari. Nenzira imwe cheteyo, nemiwo munofanira kuziva kuti makafa kuchivi, asi muri vapenyu kuna Mwari muna Kristu Jesu. Naizvozvo musatendera chivi kuti chibate ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwacho. Musapa mitezo yomuviri wenyu kuchivi, kuti ive nhumbi dzokuita zvisakarurama, asi zvipei kuna Mwari, savaya vakabviswa kurufu vachiiswa kuupenyu; uye ipai mitezo yomuviri wenyu kwaari ive nhumbi dzokururama. Nokuti chivi hachichazovi nesimba pamusoro penyu, nokuti hamusi pasi pomurayiro, asi pasi penyasha.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 6

VaRoma 6:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino totiiko? Toramba tiri muchitadzo here kuti nyasha dzifashukire? Kwete, handizvo. Zvingaitike sei kuti, isu kuchitadzo, tiri vanhu vakafa, tirambe tichirarama machiri. Hamuzivi here kuti isu tose takaombekwa muna Kristu Jesu. Takaombekwa murufu rwake. Naizvozvo takavigwa pamwechete naye nokuombekwa murufu rwake kuti sokumutswa kwakaitwa Kristu kuvafi nembiri yaBaba isuwo tifambe muupenyu hutsva. Kana takabatana naye murufu rwaakaita serwake tichabatanawo naye mukumuka kwaakaita. Tinoziva kuti humunhu hwedu hwakare hwakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye kuti muviri wezvitadzo uparadzwe uye kuitirawo kuti tirege kuva varanda vechitadzo nokuti munhu anenge afa atosunungurwa kuchitadzo. Asi kana takafa pamwe naKristu kudai tinodavira kuti tichararamawo pamwechete naye. Tinoziva kuti Kristu zvaakamutswa kuvakafa haachazofazve. Rufu haruchamutongazve. Nokufa kwaakaita, kuchitadzo, akava munhu akafa chakamwe asi upenyu hwake iye zvino anoraramira Mwari. Naizvozvo imiwo munofanira kuzviona kuti, kuchitadzo muri vanhu vakafa; asi Mwari ari iye upenyu hwenyu muna Kristu Jesu. Naizvozvo chitadzo ngachirege kukutongai mumiviri yenyu inofa chichiita kuti muteerere havi dzawo. Musape nhengo dzenyu kuti dzishandiswe kutadza semidziyo yokuita nayo zvakaipa asi zvipei kuna Mwari savanhu vakabviswa murufu vachiendeswa kuupenyu mupe nhengo dzenyu kuna Mwari semidziyo yokushandisa mune zvakarurama. Chitadzo hachizokutongai nokuti hamusi pasi pomutemo asi muri pasi penyasha.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 6

VaRoma 6:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ticatiyiko? Torambira muɀiʋi kuti nyasha dziwande here? Haiȿa! Isu takafa kuɀiʋi, ticagara seiko mukati maɀo? Ko hamuziʋi here kuti isu takabapatidzwa munaKristu Jesu, takabapatidzwa murufu rwake? Naiɀoɀo pakubapatidzwa takaʋigwa pamŋe cete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuʋakafa nokubginya kwaƂaɓa, saiɀoɀo nesu ʋo tifambe noʋupenyu bgutȿa. Nokuti kana takaʋa ʋamŋe naye pakufanana naye parufu rwake, ticaɗaro ʋo pakumuka kwake; ticiziʋa iɀi, kuti munhu weɗu wekare wakaroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye, kuti muʋiri weɀiʋi ushaiswe simba, tirege kuzoʋa ʋaranda ʋeɀiʋi; nokuti wakafa, waruramiswa paɀiʋi. Ɀino kana takafa pamŋe cete naKristu, tinotenda kuti ticararama ʋo pamŋe cete naye; ticiziʋa kuti Kristu, amutswa kuʋakafa, haacazofi; rufu harucaʋi nesimba pamsoro pake. Nokuti pakufa kwake, wakafa kamŋe kwaɀo kuɀiʋi; ɀino pakurarama kwake, unorarama kunaMŋari. Saiɀoɀo nemi ʋo muɀiti makafa kuɀiʋi, asi kuti muri ʋapenyu kunaMŋari, munaKristu Jesu. Naiɀoɀo ɀiʋi ŋgaɀirege kuɓata ʋushe mumuʋiri wenyu unofa, kuti muterere kuciʋa kwawo; ʋuye musapa ɀiʋi mitezo yenyu, kuti dziʋe nhumbi dzokuita ɀisakarurama; asi muɀipei imi kunaMŋari, saʋanhu ʋakararama kuʋakafa, nemitezo yenyu kuti dziʋe nhumbi dzokururama kunaMŋari. Nokuti ɀiʋi haɀiŋgaʋi nesimba pamsoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 6

VaRoma 6:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)