VaRoma 5:18-21
VaRoma 5:18-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, nokuda kwokudarika kwomunhu mumwe mhosva yakapiwa kuvanhu vose, saka naizvozvowo nokuda kwechiito chimwe chokururama, kururamisirwa kunouyisa upenyu kwakavapo kuvanhu vose. Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi kubudikidza nokusateerera kwomunhu mumwe, saka naizvozvowo vazhinji vachaitwa vakarurama kubudikidza nokuteerera kwomunhu mumwe. Murayiro wakaiswawo kuti kudarika kuwande. Asi panowanda chivi, nyasha dzinowanda zvikuru nokupfuurisa, kuitira kuti sokubata ushe kwakaita chivi murufu, naizvozvowo nyasha dzibate ushe kubudikidza nokururama, kuti dziuyise upenyu husingaperi kubudikidza naJesu Kristu, Ishe wedu.

VaRoma 5:18-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo, kutonga sezvakwakauya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe chipo chokungopiwa chakauya kuvanhu vose, kururamisirwa kwoupenyu kukavapo. Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi nokusateerera kwomumwe, saizvozvo vazhinji vachaitwa vakarurama nokuteerera kwomumwe. Murayiro wakapindawo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuurisa; kuti zvivi sezvazvakabata ushe parufu, saizvozvo nyasha dzibate ushe nokururama, zviise kuupenyu husingaperi naJesu Kristu Ishe wedu.
VaRoma 5:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo pamusana pokuti chitadzo chomunhu mumwechete chakaita kuti vanhu vose vanzi vane mhosva nezvowo chiito chakanaka chomunhu mumwechete chinoitawo kuti panzi hapana mhosva uye chichipa upenyu kuvanhu vose; nokuti nokusateerera kwomunhu mumwechete, vanhu vazhinji vakava vatadzi, nokudaro nokuteererawo kwomunhu mumwechete vanhu vazhinji vacharuramiswa. Mutemo wakapindira kuzowanziridza kutadza asi nokuwanda kwakaita zvitadzo nyashawo dzakabva dzawanda zvikuru kwazvo. Izvi zvakaita kuti sokutonga kunoita chitadzo norufu nyashawo dzitonge nokururama kusvikira kuupenyu husingaperi nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu.
VaRoma 5:18-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo, kutoŋga seɀakwakaʋuya kuʋanhu ʋose nokuɗarika kumŋe, kuti ʋapiwe mhoȿa; saiɀoɀo nokururamisa kumŋe cipo cokuŋgopiwa cakaʋuya kuʋanhu ʋose, kururamisirwa kwoʋupenyu kukaʋa’po. Nokuti ʋazhinji sezaʋakaitwa ʋatadzi nokusaterera kwomumŋe, saiɀoɀo ʋazhinji ʋacaitwa ʋakarurama nokuterera kwomumŋe. Murairo wakapinda ʋo kuti kuɗarika kuwande; ɀino ɀiʋi paɀakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuʋurisa; kuti ɀiʋi seɀaɀakaɓata ʋushe parufu, saiɀoɀo nyasha dziɓate ʋushe nokururama, ɀiise kuʋupenyu bgusiŋgaperi naJesu Kristu Ishe weɗu.
VaRoma 5:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)