VaRoma 5:16-18
VaRoma 5:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye chipo chaMwari hachina kufanana nomubayiro wechivi chomunhu mumwe akatadza: Nokuti kutongwa kwakauya nechivi chomunhu mumwe kuti vave nemhosva, asi chipo chokungopiwa chakatevera kudarika kuzhinji uye chikauyisa kururamisirwa. Nokuti, kana nokudarika kwomunhu mumwe, rufu rwakabata ushe kubudikidza nomunhu iyeye, ko, kuzoti vaya vakagamuchira nyasha zhinji dzaMwari uye nechipo chokungopiwa chokururama, vachabata ushe zvikuru sei muupenyu kubudikidza nomunhu mumwe, iye Jesu Kristu. Naizvozvo, nokuda kwokudarika kwomunhu mumwe mhosva yakapiwa kuvanhu vose, saka naizvozvowo nokuda kwechiito chimwe chokururama, kururamisirwa kunouyisa upenyu kwakavapo kuvanhu vose.
VaRoma 5:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uye chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe akatadza; nokuti kutonga kwakauya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakauya nokudarika kuzhinji, kuti varuramisirwe. Nokuti kana nokudarika kwomumwe rufu rwakabata ushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata ushe paupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu. Naizvozvo, kutonga sezvakwakauya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe chipo chokungopiwa chakauya kuvanhu vose, kururamisirwa kwoupenyu kukavapo.
VaRoma 5:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvinoitwa nechipo chinopiwa pachena hazvina kufanana nechitadzo chomunhu mumwechete uya. Ndinodaro nokuti mushure mechitadzo ichi chimwechete pakabva patemwa kuti pane mhosva asi mushure mezvitadzo zvizhinji pamusana pechipo chimwechete chinopiwa pachena pakatemwa kuti hapana mhosva. Kana pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete rufu rwakatonga nomumunhu mumwechete iyeyo, zvino vachatonga noupenyu zvakanyanya sei nomumunhu mumwechete Jesu Kristu avo vanogamuchira nyasha dzakawanda nechipo chinongopiwa pachena choururami. Saizvozvo pamusana pokuti chitadzo chomunhu mumwechete chakaita kuti vanhu vose vanzi vane mhosva nezvowo chiito chakanaka chomunhu mumwechete chinoitawo kuti panzi hapana mhosva uye chichipa upenyu kuvanhu vose
VaRoma 5:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋuye cipo hacifanani neɀiʋi ɀomunhu mumŋe wakatadza; nokuti kutoŋga kwakaʋuya nomunhu mumŋe kuti ʋapiwe mhoȿa; asi cipo cokuŋgopiwa cakaʋuya nokuɗarika kuzhinji, kuti ʋaruramisirwe. Nokuti kana nokuɗarika kwomumŋe rufu rwakaɓata ʋushe nomunhu uyu mumŋe; ɀikuru aʋo, ʋakapiwa kuwanda kwenyasha nokwecipo cokururama, ʋacaɓata ʋushe paʋupenyu nomumŋe, iye Jesu Kristu. Naiɀoɀo, kutoŋga seɀakwakaʋuya kuʋanhu ʋose nokuɗarika kumŋe, kuti ʋapiwe mhoȿa; saiɀoɀo nokururamisa kumŋe cipo cokuŋgopiwa cakaʋuya kuʋanhu ʋose, kururamisirwa kwoʋupenyu kukaʋa’po.
VaRoma 5:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)