VaRoma 5:1-2
VaRoma 5:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, zvatinoruramisirwa nokutenda, tino rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakawana naye mapindiro, nokutenda, munyasha idzi dzatakamira madziri zvino. Uye tinofara mutariro yokubwinya kwaMwari.
VaRoma 5:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo zvatinoruramiswa nokutenda ngative norugare kuna Mwari naIshe wedu, Jesu Kristu; watakawana naye mapindiro nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuona kubwinya kwaMwari.
VaRoma 5:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo zvatakaruramiswa nechitendero tine rugare naMwari nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akaita kuti nokwaari tiitirwe nyasha sezvatiri. Tinofara nechitarisiro chembiri yaMwari.
VaRoma 5:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ɀatinoruramiswa nokutenda ŋgatiʋe norugare kunaMŋari naShe weɗu, Jesu Kristu; watakawana naye mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ŋgatifare netariro yokuʋona kubginya kwaMŋari.