VaRoma 4:17-18 - Enzanisa Shanduro Dzose
VaRoma 4:17-18 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Ndakakuita baba vendudzi zhinji.” Ndiye baba vedu pamberi paMwari, uyo waakatenda kwaari, iye Mwari anopa upenyu kuvakafa uye anodana zvisipo sokunge zviripo. Pasina kana tariro, Abhurahama netariro akatenda uye akava baba vendudzi zhinji, sezvazvakanga zvarehwa kwaari zvichinzi, “Zvizvarwa zvako zvichadarowo.”
VaRoma 4:17-18 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
(sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji”) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari anopa vakafa upenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo. Akatenda netariro pasina tariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji, sezvakanga zvarehwa, zvichinzi, “Rudzi rwako ruchadaro.”
VaRoma 4:17-18 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
(seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Ndakakuita ɓaɓa ʋamarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mŋari unopa ʋakafa ʋupenyu, nokuɗana ɀisi’po seɀineŋge ɀiri’po. Wakatenda netariro pasinetariro, kuti aʋe ɓaɓa ʋamarudzi mazhinji, seɀakaŋga ɀarebga, ɀicinzi: Rudzi rwako rucaɗaro.
VaRoma 4:17-18 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Ndakakuita baba wamarudzi mazhinji.” Abhurahamu akava nechitendero pamberi paMwari anomutsa vakafa uye anosika zvinhu zvisati zvambovapo. Akatenda pazvainge zvisingabviri kutarisira kuti achava baba vamarudzi mazhinji sokutaurirwa kwavakanga vaitwa zvichinzi, “Ndiko kuwanda kuchaita zvizvarwa zvako ikoko.”
VaRoma 4:17-18 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)