VaRoma 4:13-25
VaRoma 4:13-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti Abhurahama, nezvizvarwa zvake, haana kupiwa chipikirwa chokuti achava mugari wenhaka yenyika, kubudikidza nomurayiro, asi kubudikidza nokururama kunobva pakutenda. Nokuti dai vaya vanorarama nomurayiro vari ivo vadyi venhaka, kutenda hakuna maturo uye nechipikirwa chinokoneswa, nokuti murayiro unouyisa kutsamwa. Uye pasina murayiro hapanawo kudarika. Naizvozvo chipikirwa chinouya nokutenda, kuitira kuti zvive zvenyasha uye kuti chisimbiswe kuzvizvarwa zvose zvaAbhurahama, kwete avo vari vomurayiro voga, asi nokuna avo vari vokutenda kwaAbhurahama. Ndiye baba vedu tose. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Ndakakuita baba vendudzi zhinji.” Ndiye baba vedu pamberi paMwari, uyo waakatenda kwaari, iye Mwari anopa upenyu kuvakafa uye anodana zvisipo sokunge zviripo. Pasina kana tariro, Abhurahama netariro akatenda uye akava baba vendudzi zhinji, sezvazvakanga zvarehwa kwaari zvichinzi, “Zvizvarwa zvako zvichadarowo.” Haana kushayiwa simba mukutenda kwake, paakaona kuti muviri wake wakanga watofa hawo, sezvo akanga ava namakore anenge zana okuzvarwa, uye kuti chizvaro chaSara chakanga chafawo. Asi haana kukahadzika nokuda kwokusatenda pamusoro pechipikirwa chaMwari, asi akasimbiswa mukutenda kwake uye akakudza Mwari, achinyatsogutsikana kuti Mwari ane simba rokuita zvaakanga avimbisa. Ndokusaka “zvakanzi kwaari ndiko kururama.” Mashoko okuti, “zvakanzi kwaari,” haana kunyorerwa iye oga, asi kwatiriwo, kuna avo vachanzi naMwari vakarurama, kunesu vanotenda kwaari iye akamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa. Akaiswa kurufu nokuda kwezvivi zvedu uye akamutswa kuvapenyu nokuda kwokururamisirwa kwedu.
VaRoma 4:13-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurayiro, asi nokururama kwokutenda. Nokuti dai vomurayiro vari vagari venhaka, kutenda hakuna maturo, nechipikirwa chinokoneswa; nokuti murayiro unouyisa kutsamwa; asi pasina murayiro hapana kudarikawo. Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurayiro bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamuwo, iye baba vedu tose, (sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji”) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari anopa vakafa upenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo. Akatenda netariro pasina tariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji, sezvakanga zvarehwa, zvichinzi, “Rudzi rwako ruchadaro.” Haana kushayiwa simba pakutenda, achifunga muviri wake wakanga watofa hawo (zvaaiva namakore anenge zana), nokufa kwechizvaro chaSara; akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi akasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari, achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, akanga ane simba rokuchiitawo. Saka zvakanzi kwaari, “Ndiko kururama.” Zvino hazvina kunyorwa nokuda kwake bedzi, kuti “Zvikanzarwo kwaari;” asi nokuda kweduwo; nesu tichanzarwo; iyesu, tinotenda kunoakamutsa Jesu, Ishe wedu, kuvakafa iye akaiswa kurufu nokuda kwokudarika kwedu, akamutswa nokuda kwokururamiswa kwedu.
VaRoma 4:13-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Abhurahamu nezvizvarwa zvake haana kutsidzirwa kuti pasi pose pachava nhaka yake pachingoteverwa zviri pamutemo zvoga asi pamusana pokururama kunobva muchitendero. Asi dai kuri kuti ndavavo vanotevedza zviri pamutemo vaizogara nhaka iyoyo, pakadaro chitendero hachina maturo uye chitsidzo chinobva chashaya basa nokuti mutemo unounza chirango asi pasina mutemo hapana kudarika mutemo. Saizvozvo chitsidzo ichocho chakaitwa pamusana pechitendero kuitira kuti chive chenyasha uye kuti zvibva zvanyatsosimbisiswa kuti zvizvarwa zvavo zvose zvichachiwana kwete kuna vanochengeta mutemo voga asi kuti kuna avowo vane chitendero chimwechetecho naAbhurahamu, nokuti iye ndibaba vedu tose sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Ndakakuita baba wamarudzi mazhinji.” Abhurahamu akava nechitendero pamberi paMwari anomutsa vakafa uye anosika zvinhu zvisati zvambovapo. Akatenda pazvainge zvisingabviri kutarisira kuti achava baba vamarudzi mazhinji sokutaurirwa kwavakanga vaitwa zvichinzi, “Ndiko kuwanda kuchaita zvizvarwa zvako ikoko.” Chitendero chavo hachina kudzokera shure vachiona muviri wavo wakanga wapera basa sewakafa nokuti vakanga vava namakore anenge zana uye vachifunga kushaya mbereko kwaSara. Hapana kusavimba naMwari kwakamboita kuti vakahadzike nezvechitsidzo chaMwari asi vakasimbiswa muchitendero chavo, vakapa mbiri kuna Mwari. Vainyatsoziva kuti Mwari anogona kuita zvaakatsidza. Ndiko kusaka chitendero chavo chakaita kuti vanzi vakarurama. Asi mazwi aya anoti, “Chakaita kuti vanzi” haana kunyorerwa kuti areve ivo voga asi kuti areve isuwo. Nesuwo tichanzi takarurama, isu tinotenda maari iye akamutsa Jesu Tenzi wedu kuvakafa, iye akaurairwa zvikanganiso zvedu akamutsirwa kuti tinzi takarurama.
VaRoma 4:13-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti cipikirwa cokuti ucaʋa mugari wenhaka yenyika hacina‐kupiwa Abrahama kana rudzi rwake nomurairo, asi nokururama kwokutenda. Nokuti ɗai ʋomurairo ʋari ʋagari ʋenhaka, kutenda hakunamaturo, necipikirwa cinokoneswa; nokuti murairo unoʋuyisa kutsamŋa; asi pasinomurairo hapana‐kuɗarika ʋo. Saka ndeɀokutenda, kuti, ɀiʋe ɀenyasha; kuti cipikirwa ciʋe nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurairo ɓedzi, asi norwokutenda kwaAbrahama ʋo, iye ɓaɓa ʋeɗu tose, (seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Ndakakuita ɓaɓa ʋamarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mŋari unopa ʋakafa ʋupenyu, nokuɗana ɀisi’po seɀineŋge ɀiri’po. Wakatenda netariro pasinetariro, kuti aʋe ɓaɓa ʋamarudzi mazhinji, seɀakaŋga ɀarebga, ɀicinzi: Rudzi rwako rucaɗaro. Haana‐kushaiwa simba pakutenda, acifuŋga muʋiri wake wakaŋga watofa hawo (ɀaaiʋa namakore aneŋge zana), nokufa kweciɀaro caSara; akatarira cipikirwa caMŋari, haanakunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mŋari, aciziʋa kwaɀo, kuti ico caakapikira, wakaŋga anesimba rokuciita ʋo. Saka ɀakanzi kwaari ndiko kururama. Ɀino haɀina‐kunyorwa nokuɗa kwake ɓedzi, kuti ɀakanzarwo kwaari; asi nokuɗa kweɗu ʋo; nesu ticanzarwo, iyesu, tinotenda kunowakamutsa Jesu, Ishe weɗu, kuʋakafa, iye wakaiswa kurufu nokuɗa kwokuɗarika kweɗu, akamutswa nokuɗa kwokururamiswa kweɗu.
VaRoma 4:13-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)