Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 4:13 - Enzanisa Shanduro Dzose

VaRoma 4:13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Nokuti Abhurahama, nezvizvarwa zvake, haana kupiwa chipikirwa chokuti achava mugari wenhaka yenyika, kubudikidza nomurayiro, asi kubudikidza nokururama kunobva pakutenda.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 4 BDSC

VaRoma 4:13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurayiro, asi nokururama kwokutenda.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 4 SNA2002

VaRoma 4:13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuti cipikirwa cokuti ucaʋa mugari wenhaka yenyika hacina‐kupiwa Abrahama kana rudzi rwake nomurairo, asi nokururama kwokutenda.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 4 SUB1949

VaRoma 4:13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Abhurahamu nezvizvarwa zvake haana kutsidzirwa kuti pasi pose pachava nhaka yake pachingoteverwa zviri pamutemo zvoga asi pamusana pokururama kunobva muchitendero.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 4 SCLB

VaRoma 4:13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Abhurahamu nezvizvarwa zvake haana kutsidzirwa kuti pasi pose pachava nhaka yake pachingoteverwa zviri pamutemo zvoga asi pamusana pokururama kunobva muchitendero.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 4 SCLBD