VaRoma 4:1-3
VaRoma 4:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino tichati Abhurahama, tateguru wedu, panyama akawaneiko pazviri? Nokuti dai Abhurahama akaruramisirwa namabasa, angadai aine chinhu chokuzvirumbidza nacho, asi kwete pamberi paMwari. Ko, Rugwaro runoti kudiniko? “Abhurahama akatenda Mwari, uye kukanzi kwaari ndiko kururama.”
VaRoma 4:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino tichati Abhurahamu, tateguru vedu panyama, akawaneiko? Nokuti dai Abhurahamu akaruramiswa namabasa ake, angadai ane chinhu chaangazvirumbidza nacho; asi haana pamberi paMwari. Nokuti Rugwaro runoti kudiniko? Runoti, “Abhurahamu akatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.”
VaRoma 4:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko zvino tichati kudiiko nezvaAbhurahamu tateguru vedu paukama hweropa. Dai kuri kuti Abhurahamu akaruramiswa namabasa, angadai aine chokuzvirumbidza nacho, asi kwete pamberi paMwari. Ko Magwaro Matsvene anotii, “Anoti: Abhurahamu akatenda muna Mwari zvikaita kuti anzi akarurama.”
VaRoma 4:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ticati Abrahama, teteguru ʋeɗu panyama, wakawaneiko? Nokuti ɗai Abrahama akaruramiswa namaɓasa ake, uŋgaɗai anecinhu caaŋgaɀirumbidza naco; asi haana pamberi paMŋari. Nokuti Rugwaro runoti kuɗiniko? Runoti: Abrahama wakatenda Mŋari, kukanzi kwaari ndiko kururama.
VaRoma 4:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)