VaRoma 3:3-4
VaRoma 3:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here? Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura, uye mukunde pakutonga kwenyu.”
VaRoma 3:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti zvinodiniko kana vamwe vasina kutenda? Ko kusatenda kwavo kuchakonesa kutendeka kwaMwari here? Haisva! Mwari ngaave wachokwadi, asi vanhu vose vave venhema; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Kuti mururamiswe pamashoko enyu, Mukunde pakutonga kwenyu.”
VaRoma 3:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko ngatitii vamwe vavo vakanga vasina kutendeka? Kusatendeka kwavo kunoshaisha basa kutendeka kwaMwari here? Kwete, hazvidaro, Mwari anofanira kuva pachokwadi kunyange vanhu vose vakave venhema, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kana motaura, zvinobuda pachena kuti ndicho chokwadi kana mukapinzwa dare munobuda musina mhosva.”
VaRoma 3:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ɀinoɗiniko kana ʋamŋe ʋasinokutenda? Ko kusatenda kwaʋo kucakonesa kutendeka kwaMŋari here? Haiȿa! Mŋari ŋgaaʋe waɀokwaɗi, asi ʋanhu ʋose ʋaʋe ʋenhema; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Kuti mururamiswe pamashoko enyu, Mukunde pakutoŋga kwenyu.
VaRoma 3:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)