VaRoma 3:21-31
VaRoma 3:21-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita. Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano, nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu. Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare. Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoruramisira vaya vanotenda muna Jesu. Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurayiro upiko? Wokuchengetedza murayiro here? Kwete, asi nomurayiro wokutenda. Naizvozvo tinomira pakuti munhu anoruramisirwa nokutenda kwete nokuchengeta murayiro. Ko, Mwari ndiMwari wavaJudha voga here? Ko, haazi Mwari weveDzimwe Ndudziwo here? Hongu ndoweveDzimwe Ndudziwo, sezvo kuna Mwari mumwe chete uyo acharuramisira vakadzingiswa nokutenda uye vasina kudzingiswa kubudikidza nokutenda kumwe cheteko. Zvino tinobvisa murayiro nokutenda uku here? Kwete napaduku! Asi, tinosimbisa murayiro.
VaRoma 3:21-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaporofita; ndiko kururama kwaMwari kunouya nokutenda kuna Jesu Kristu kuna vose vanotenda; nokuti havasiyani, nokuti vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari. Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu; iye akagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaitira mwoyo murefu; kuti kururama kwake kuratidzwe nenguva ino, kuti arurama iye amene, uye aruramise uyo unotenda kuna Jesu. Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurayiro upiko? Wamabasa here? Kwete, asi nomurayiro wokutenda. Naizvozvo tinoti, munhu anoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurayiro. Ko Mwari ndiye wavaJudha voga here? Haazi wavahedheniwo here? Hongu, wavahedheniwo; Mwari zvaari mumwechete, acharuramisa vakadzingiswa pamusoro pokutenda, navasina kudzingiswa nokutenda. Zvino tinokonesa murayiro nokutenda here? Haisva! Asi tinosimbisa murayiro.
VaRoma 3:21-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa pachena zvisinei nomutemo kunyange zvazvo mutemo navaporofita zvichiupupurira. Kururama ikoko kwaMwari kunoitika nechitendero muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda pasina zvorusaruro nokuti munhu wose akatadza akakundika kusvika panodiwa naMwari kuti aponeswe. Vanoruramiswa nenyasha dzake sechipo nokununura kunowanikwa muna Kristu Jesu. Mwari akaronga kuti neropa rake ave ndiye wokuripira naye zvitadzo zvichiitika pamusana pechitendero. Izvi zvakaitirwa kuti kururama kwaMwari kuratidzwe pachena nokuti pamusana pemwoyo murefu wake zvitadzo zvakare akazviti zvingopfuura zvazvo kuti aratidze iye zvino kuti iye akarurama uye kuti anoruramisa munhu anotenda muna Jesu. Pakadaro kuzvikudza kwedu kunozova papi? Kunobva kwashaya maturo. Kunoshaiswa maturo nei? Nezvisungo namabasa here? Kwete asi pamusana pechitendero. Chikonzero chacho ndechokuti tinoti munhu anoruramiswa nechitendero zvisinei nezvisungo zvinobva mumutemo. Kana kuti tingati Mwari ndiMwari wavaJudha voga here? Haasi Mwariwo wevechirudzi here? Hongu ndiMwariwo wevechirudzi, Mwari zvaari mumwechete; uye anoruramisa nechitendero chavo vakadzingiswa, anoruramisawo nechitendero chavo, avo vasina kudzingiswa. Zvinoreva here kuti naizvozvo tava kuparadza mutemo nokuda kwechitendero. Hazvidaro kwete, asi kuti tiri kutosimudzira mutemo.
VaRoma 3:21-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ɀino kururama kwaMŋari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kucipupurirwa nomurairo naʋaprofita; ndiko kururama kwaMŋari kunoʋuya nokutenda kunaJesu Kristu kunaʋose ʋanotenda; nokuti haʋasiyani, nokuti ʋose ʋakatadza, ʋakasaȿika pakubginya kwaMŋari. Ʋanoŋgoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu; iye wakagadzwa naMŋari, kuti aʋe muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti ɀiʋi ɀakaitwa kare ɀakaregerwa, Mŋari aciʋaitira mŋoyo murefu; kuti kururama kwake kuratidzwe neŋguʋa ino, kuti arurame iye amene, ʋuye aruramise uyo unotenda kunaJesu. Ɀino kuɀikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurairo upiko? Wamaɓasa here? Kwete, asi nomurairo wokutenda. Naiɀoɀo tinoti, munhu unoruramiswa nokutenda kunze kwamaɓasa omurairo. Ko Mŋari ndiye waʋaJuda ʋoga here? Haazi waʋahedeni ʋo here? Hoŋo, waʋahedeni ʋo; Mŋari ɀaari mumŋe cete, ucaruramisa ʋakadziŋgiswa pamsoro pokutenda, naʋasina‐kudziŋgiswa nokutenda. Ɀino tinokonesa murairo nokutenda here? Haiȿa! Asi tinosimbisa murairo.
VaRoma 3:21-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)