Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 3:21-24 - Compare All Versions

VaRoma 3:21-24 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita. Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano, nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 3 BDSC

VaRoma 3:21-24 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaporofita; ndiko kururama kwaMwari kunouya nokutenda kuna Jesu Kristu kuna vose vanotenda; nokuti havasiyani, nokuti vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari. Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu

Pakurirana nevamwe
VaRoma 3 SNA2002

VaRoma 3:21-24 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa pachena zvisinei nomutemo kunyange zvazvo mutemo navaporofita zvichiupupurira. Kururama ikoko kwaMwari kunoitika nechitendero muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda pasina zvorusaruro nokuti munhu wose akatadza akakundika kusvika panodiwa naMwari kuti aponeswe. Vanoruramiswa nenyasha dzake sechipo nokununura kunowanikwa muna Kristu Jesu.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 3 SCLBD

VaRoma 3:21-24 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi ɀino kururama kwaMŋari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kucipupurirwa nomurairo naʋaprofita; ndiko kururama kwaMŋari kunoʋuya nokutenda kunaJesu Kristu kunaʋose ʋanotenda; nokuti haʋasiyani, nokuti ʋose ʋakatadza, ʋakasaȿika pakubginya kwaMŋari. Ʋanoŋgoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu

Pakurirana nevamwe
VaRoma 3 SUB1949

VaRoma 3:21-24 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

VaRoma 3 SCLB