VaRoma 3:1-8
VaRoma 3:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ko, muJudha anopfuura vamwe pakudii, uye kudzingiswa kunobatsireiko? Zvizhinji nemitoo yose! Pakutanga, ndivo vakapiwa mashoko aMwari chaiwo. Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here? Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura, uye mukunde pakutonga kwenyu.” Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari zvinonyatsoonekwa, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here kana achiisa hasha dzake pamusoro pedu? (Ndiri kutaura namatauriro avanhu). Kwete kwete! Dai zvanga zviri izvo, Mwari aizotonga nyika seiko? Mumwe anogona kuti, “Zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chionekwe uye zvichizowedzera kukudzwa kwake, ko, sei ndichizotongwa somutadzi?” Ticharegerereiko kutaura sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinoti, “Ngatiitei zvakaipa kuti zvakanaka zvibudepo”? Kutongwa kwavo kwakavafanira.
VaRoma 3:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ko muJudha anopfuura vamwe neiko? Kana kudzingiswa kunobatsireiko? Zvizhinji, nemitowo yose, Pakutanga, kuti ndivo vakapiwa mashoko aMwari. Nokuti zvinodiniko kana vamwe vasina kutenda? Ko kusatenda kwavo kuchakonesa kutendeka kwaMwari here? Haisva! Mwari ngaave wachokwadi, asi vanhu vose vave venhema; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Kuti mururamiswe pamashoko enyu, Mukunde pakutonga kwenyu.” Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here, zvaanoita nehasha? (Ndinotaura nokutaura kwomunhu.) Haisva! Mwari angagozotonga nyika seiko? Zvino kana chokwadi chaMwari chawanzwa nenhema dzangu, iye akakudzwa nazvo, ko neniwo ndichatongerwei somutadzi? Ticharegereiko kutaura (sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinodaro), tichiti, “Ngatiite zvakaipa, kuti zvakanaka zvibudepo?” Kutongwa kwavo kwakarurama.
VaRoma 3:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko muJudha chaanokunda vamwe nacho chii? Ko kudzingiswa kunobatsirei? Zvakatowanda uye nenzira dzakasiyana–siyana. Pokutanga, vaJudha vakachengeteswa zvirevo zvaMwari. Ko ngatitii vamwe vavo vakanga vasina kutendeka? Kusatendeka kwavo kunoshaisha basa kutendeka kwaMwari here? Kwete, hazvidaro, Mwari anofanira kuva pachokwadi kunyange vanhu vose vakave venhema, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kana motaura, zvinobuda pachena kuti ndicho chokwadi kana mukapinzwa dare munobuda musina mhosva.” Ko zvino kana uipi huchiratidza ururami hwaMwari, zvino toti kudini? Tingati Mwari akaipa here kana otiranga (ndiri kutaura somunhu?) Kwete, handizvo, nokuti pakadaro Mwari aizotonga pasi sei? Ko zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chinyatsobuda pachena, zvichiita kuti Mwari arumbidzwe, chandinopirwa mhosva yokuti ndiri mutadzi chii? Vanoti tinoti, “Kana zvakadaro ndingaregerei kuita zvakaipa kuti zvakanaka zvibude mazviri,” sokurasa muromo kunoita vamwe vanhu vachitishora. Kupa vanhu vakadai mhosva kwakarurama.
VaRoma 3:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko muJuda unopfuʋura ʋamŋe neiko? Kana kudziŋgiswa kunoɓatsireiko? Ɀizhinji, nemitoʋo yose: Pakutaŋga, kuti ndiʋo ʋakapiwa mashoko aMŋari. Nokuti ɀinoɗiniko kana ʋamŋe ʋasinokutenda? Ko kusatenda kwaʋo kucakonesa kutendeka kwaMŋari here? Haiȿa! Mŋari ŋgaaʋe waɀokwaɗi, asi ʋanhu ʋose ʋaʋe ʋenhema; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Kuti mururamiswe pamashoko enyu, Mukunde pakutoŋga kwenyu. Asi kana kusarurama kweɗu kuciratidza kururama kwaMŋari, ticatiyiko? Kuti Mŋari haana‐kururama here, ɀaanoita nehasha? (Ndinotaura nokutaura kwomunhu.) Haiȿa! Mŋari uŋgagozotoŋga nyika seiko? Ɀino kana ɀokwaɗi yaMŋari yawanzwa nenhema dzaŋgu, iye akakudzwa naɀo, ko neni ʋo ndicatoŋgerwei somutadzi? Ticaregereiko kutaura (seɀatinopomerwa, ʋuye seɀinoreʋa ʋamŋe ʋaciti tinoɗaro), ticiti: Ŋgatiite ɀakaipa, kuti ɀakanaka ɀiɓuɗe’po? Kutoŋgwa kwaʋo kwakarurama.
VaRoma 3:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)