VaRoma 2:5-6 - Compare All Versions
VaRoma 2:5-6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi nokuda kwoukukutu hwako uye nomwoyo wako usingadi kutendeuka, uri kuzviunganidzira kutsamwa pazuva rokutsamwa kwaMwari, pacharatidzwa kutonga kwake kwakarurama. Mwari “achapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.”
VaRoma 2:5-6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi noukukutu hwako nomwoyo usingadi kutendeuka, unozviunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari; iye achapa mumwe nomumwe paakaita napo
VaRoma 2:5-6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Asi nokuomarara mwoyo kwako uye nokuva nomwoyo usingadi kupinduka uri kutozozvimutsira hasha pamusi wehasha pacharatidzwa kutonga kwaMwari kwakarurama nokuti achapa, mumwe nomumwe maererano namabasa ake.
VaRoma 2:5-6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Asi noʋukukutu bgako, nomŋoyo usiŋgaɗi kutendeʋuka, unoɀiʋuŋganidzira kutsamŋa nezuʋa rokutsamŋa, nokuratidzwa kwokutoŋga kwakarurama kwaMŋari; iye ucapa mumŋe nomumŋe paakaita napo
VaRoma 2:5-6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)