Svetukira kuzviri mukati

VaRoma 2:4-5 - Enzanisa Shanduro Dzose

VaRoma 2:4-5 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Kana kuti unozvidza pfuma younyoro hwake, mwoyo munyoro wake, nomwoyo murefu wake, usingazivi kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka? Asi nokuda kwoukukutu hwako uye nomwoyo wako usingadi kutendeuka, uri kuzviunganidzira kutsamwa pazuva rokutsamwa kwaMwari, pacharatidzwa kutonga kwake kwakarurama.

VaRoma 2 BDSC

VaRoma 2:4-5 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Unozvidza kanhi pfuma younyoro hwake, nomwoyo wake munyoro, nomwoyo wake murefu, usingazivi here kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka? Asi noukukutu hwako nomwoyo usingadi kutendeuka, unozviunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari

VaRoma 2 SNA2002

VaRoma 2:4-5 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Unoɀidza kanhi fuma yoʋunyoro bgake, nomŋoyo wake munyoro, nomŋoyo wake murefu, usiŋgaziʋi here kuti ʋunyoro bgaMŋari bgunokuisa pakutendeʋuka? Asi noʋukukutu bgako, nomŋoyo usiŋgaɗi kutendeʋuka, unoɀiʋuŋganidzira kutsamŋa nezuʋa rokutsamŋa, nokuratidzwa kwokutoŋga kwakarurama kwaMŋari

VaRoma 2 SUB1949

VaRoma 2:4-5 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Kana kuti wavakungoti Mwari zvaakazara nomwoyochena nokuregerera nomwoyo murefu, ndizvozvo? Hauzivi here kuti mwoyochena waMwari unenge uchiitirwa kuti iwe upinduke? Asi nokuomarara mwoyo kwako uye nokuva nomwoyo usingadi kupinduka uri kutozozvimutsira hasha pamusi wehasha pacharatidzwa kutonga kwaMwari kwakarurama

VaRoma 2 SCLB

VaRoma 2:4-5 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

VaRoma 2 SCLBD