Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 2:2-3 - Enzanisa Shanduro Dzose

VaRoma 2:2-3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvino tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwezvokwadi kuna vanoita zvinhu zvakadai. Saka kana iwe munhuwo zvake uchitonga vamwe asi uchiita zvinhu zvimwe chetezvo, unofunga kuti ungapunyuka kutonga kwaMwari here?

Pakurirana nevamwe
VaRoma 2 BDSC

VaRoma 2:2-3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwazvokwadi kunovanoita zvinhu zvakadai. Iwe munhu, unotonga vamwe vanoita zvinhu zvakadai, iwe uchizviitawo, ko unoti ungatiza kutonga kwaMwari here?

Pakurirana nevamwe
VaRoma 2 SNA2002

VaRoma 2:2-3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Tinoziʋa kuti kutoŋga kwaMŋari ndokwaɀokwaɗi kunaʋanoita ɀinhu ɀakaɗai. Iwe munhu, unotoŋga ʋamŋe ʋanoita ɀinhu ɀakaɗai, iwe uciɀiita ʋo, ko unoti uŋgatiza kutoŋga kwaMŋari here?

Pakurirana nevamwe
VaRoma 2 SUB1949

VaRoma 2:2-3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Tinonyatsoziva kuti Mwari, kutongera mhosva kwaanoita vanhu vanoita zvakadai, kuri pamwero. Nhaiwe, munhuwo zvako kudai, unofunga here kuti uchapunyuka kutongerwa mhosva naMwari kana iwe uchitongera vamwe mhosva vanoita zvakadaro asi iwe pachako uchizviitawo?

Pakurirana nevamwe
VaRoma 2 SCLB

VaRoma 2:2-3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

VaRoma 2 SCLBD