VaRoma 2:1-4
VaRoma 2:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, iwe unotonga mumwe munhu hauna pembedzo, nokuti pachinhu chipi nechipi chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga, unoita zvinhu zvimwe chetezvo. Zvino tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwezvokwadi kuna vanoita zvinhu zvakadai. Saka kana iwe munhuwo zvake uchitonga vamwe asi uchiita zvinhu zvimwe chetezvo, unofunga kuti ungapunyuka kutonga kwaMwari here? Kana kuti unozvidza pfuma younyoro hwake, mwoyo munyoro wake, nomwoyo murefu wake, usingazivi kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka?
VaRoma 2:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka hauna pembedzo iwe munhu, upi noupi, unotonga vamwe; nokuti pachinhu icho chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe, unotonga, unoita zvinhu izvozvo. Tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwazvokwadi kunovanoita zvinhu zvakadai. Iwe munhu, unotonga vamwe vanoita zvinhu zvakadai, iwe uchizviitawo, ko unoti ungatiza kutonga kwaMwari here? Unozvidza kanhi pfuma younyoro hwake, nomwoyo wake munyoro, nomwoyo wake murefu, usingazivi here kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka?
VaRoma 2:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo iwe munhu hauna chingaite kuti unzi hauna mhosva kunyange uri ani zvako kana uchitongera mumwe mhosva asi iwe uchiita zvimwechetezvo. Tinonyatsoziva kuti Mwari, kutongera mhosva kwaanoita vanhu vanoita zvakadai, kuri pamwero. Nhaiwe, munhuwo zvako kudai, unofunga here kuti uchapunyuka kutongerwa mhosva naMwari kana iwe uchitongera vamwe mhosva vanoita zvakadaro asi iwe pachako uchizviitawo? Kana kuti wavakungoti Mwari zvaakazara nomwoyochena nokuregerera nomwoyo murefu, ndizvozvo? Hauzivi here kuti mwoyochena waMwari unenge uchiitirwa kuti iwe upinduke?
VaRoma 2:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka haunepembedzo iwe munhu, upi noupi, unotoŋga ʋamŋe; nokuti pacinhu ico caunotoŋga mumŋe naco, unoɀipa mhoȿa iwe, nokuti iwe, unotoŋga, unoita ɀinhu iɀoɀo. Tinoziʋa kuti kutoŋga kwaMŋari ndokwaɀokwaɗi kunaʋanoita ɀinhu ɀakaɗai. Iwe munhu, unotoŋga ʋamŋe ʋanoita ɀinhu ɀakaɗai, iwe uciɀiita ʋo, ko unoti uŋgatiza kutoŋga kwaMŋari here? Unoɀidza kanhi fuma yoʋunyoro bgake, nomŋoyo wake munyoro, nomŋoyo wake murefu, usiŋgaziʋi here kuti ʋunyoro bgaMŋari bgunokuisa pakutendeʋuka?
VaRoma 2:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)