VaRoma 16:3-4 - Compare All Versions
VaRoma 16:3-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwazisai Pirisira naAkwira, vanobata neni muna Kristu Jesu. Vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwangu. Kwete ini ndoga asi kuti nekereke dzose dzavaHedheni dzinovatenda zvikuru.
VaRoma 16:3-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikwazisirei Pirisika naAkwira, vanobata neni munaKristu Jesu, vakaisa mitsipa yavo kurwira upenyu hwangu; vandisingavongi ini ndoga, asi nekereke dzose dzavahedheni.
VaRoma 16:3-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ndikwazisirei Prisika naAkwira vashandi pamwe neni mubasa raKristu Jesu vakapinda munjodzi yokuda kudimburwa musoro pamusana pangu. Vanotendwa, kwete neni ndoga, asi kunyange namasanganowo ose evechirudzi. Ndikwazisireiwo sangano rinopindira pamba pavo.
VaRoma 16:3-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ndikwazisirei Priska naAkwira, ʋanoɓata neni munaKristu Jesu, ʋakaisa mitsipa yaʋo kurwira ʋupenyu bgaŋgu; ʋandisiŋgaʋoŋgi ini ndoga, asi nekereke dzose dzaʋahedeni.
VaRoma 16:3-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)