VaRoma 16:19-20
VaRoma 16:19-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vakanzwa zvokuteerera kwenyu, naizvozvo ndine mufaro mukuru pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera pane zvakanaka, uye muve vasina chavanopomerwa pane zvakaipa. Mwari worugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu.
VaRoma 16:19-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kuvanhu vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune zvakanaka, asi vasina njere kune zvakaipa. Zvino Mwari worugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi.
VaRoma 16:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Guhu rokuteerera kwenyu rakapararira kose kose zvokuti ndinofara kwazvo nemi. Ini ndingade kuti muve shasha pakuita zvakanaka asi muve samazirema zvenyu pakuita zvakaipa. Ipapo Mwari worugare anobva apwanyira Satani pasi petsoka dzenyu. Dai Tenzi wedu Jesu Kristu angokuitirai nyasha.
VaRoma 16:19-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kuterera kwenyu kwakaȿika kuʋanhu ʋose. Naiɀoɀo ndinofara pamsoro penyu; asi ndinoɗa kuti muʋe ʋakacenjera kuneɀakanaka, asi ʋasinenjere kuneɀakaipa. Ɀino Mŋari worugare ucakurumidza kupxanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaShe weɗu Jesu ŋgadziʋe nemi.
VaRoma 16:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)