VaRoma 15:5-7
VaRoma 15:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu, kuti mukudze Mwari naBaba waIshe wedu Jesu Kristu nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe. Naizvozvo, gamuchiranai, sezvamakagamuchirwa naKristu, kuti Mwari arumbidzwe.
VaRoma 15:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mwari wokutsungirira nowokunyaradza ngaakupei mwoyo mumwe pakati penyu, sezvinoda Kristu Jesu; kuti mukudze Mwari, baba vaIshe wedu Jesu Kristu, nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe. Saka gamuchirai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe.
VaRoma 15:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dai Mwari anotsungisa uye anokurudzira vanhu angoita kuti mugarisane zvakanaka, zvinowirirana naKristu Jesu kuti pamwechete nezwi rimwechete murumbidze Mwari naBaba waTenzi wedu Jesu Kristu. Naizvozvo gamuchiranai sokugamuchirwa kwamakaitwa naKristu kuti Mwari arumbidzwe.
VaRoma 15:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mŋari wokutsuŋgirira nowokunyaradza ŋgaakupei mŋoyo mumŋe pakati penyu, seɀinoɗa Kristu Jesu; kuti mukudze Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, nomŋoyo mumŋe ʋuye nomuromo mumŋe. Saka gamuciranai, Kristu seɀaakatigamucira, kuti Mŋari akudzwe.
VaRoma 15:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)