Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 15:30 - Enzanisa Shanduro Dzose

VaRoma 15:30 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, naShe wedu Jesu Kristu uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwe chete neni nokundinyengeterera kuna Mwari.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 15 BDSC

VaRoma 15:30 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino ndinokumbira zvikuru, hama dzangu, naIshe wedu, Jesu Kristu, uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwechete neni pakunyengetera kwenyu kuna Mwari pamusoro pangu

Pakurirana nevamwe
VaRoma 15 SNA2002

VaRoma 15:30 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino ndinokumbira ɀikuru, hama dzaŋgu, naShe weɗu, Jesu Kristu, ʋuye noruɗo rwoMŋeya, kuti murwe pamŋe cete neni pakunyeŋgetera kwenyu kunaMŋari pamsoro paŋgu

Pakurirana nevamwe
VaRoma 15 SUB1949

VaRoma 15:30 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ndinokukumbirisai hama dzangu, nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu, nokurudo runobva kuna Mweya Mutsvene, kuti muvavarire pamwechete neni muminamato yenyu kuna Mwari muchindinamatira

Pakurirana nevamwe
VaRoma 15 SCLB

VaRoma 15:30 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ndinokukumbirisai hama dzangu, nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu, nokurudo runobva kuna Mweya Mutsvene, kuti muvavarire pamwechete neni muminamato yenyu kuna Mwari muchindinamatira

Pakurirana nevamwe
VaRoma 15 SCLBD