VaRoma 15:27 - Enzanisa Shanduro Dzose
VaRoma 15:27 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti vakaona zvakanaka kuti vaite izvi, uye zvirokwazvo vane ngava kuti vavaitire izvi. Nokuti kana veDzimwe Ndudzi vakagovanawo pazvinhu zvoMweya zvavaJudha, vane ngavawo kuvaJudha kuti vagoverane navo pazvinhu zvavo zvenyika ino.
VaRoma 15:27 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vakati zvakanaka; vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vane ngavawo rokuvashumira pazvinhu zvenyama.
VaRoma 15:27 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti ʋakati ɀakanaka; ʋaneŋgaʋa naʋo. Nokuti kana ʋahedeni ʋakaitwa ʋagoʋani naʋo paɀinhu ɀoMŋeya, ʋaneŋgaʋa ʋo rokuʋashumira paɀinhu ɀenyama.
VaRoma 15:27 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo ndivo zvavo vakafarira kuzviita. Asi zviripowo zvazvo ndezvokuti, vanofanira kubatsira varombo ivavo. Nokuti vaJudha vakagoverana zvikomborero zvomweya nevechirudzi saizvozvowo vechirudzi vanofanira kubatsira vaJudha nezvinhu zvenyama.
VaRoma 15:27 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)