Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 15:26-27 - Compare All Versions

VaRoma 15:26-27 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Nokuti veMasedhonia neveAkaya vakafadzwa kuti vagovane navarombo pakati pavatsvene vari muJerusarema. Nokuti vakaona zvakanaka kuti vaite izvi, uye zvirokwazvo vane ngava kuti vavaitire izvi. Nokuti kana veDzimwe Ndudzi vakagovanawo pazvinhu zvoMweya zvavaJudha, vane ngavawo kuvaJudha kuti vagoverane navo pazvinhu zvavo zvenyika ino.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 15 BDSC

VaRoma 15:26-27 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nokuti veMakedhonia naveAkaya vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari muJerusaremu. Nokuti vakati zvakanaka; vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vane ngavawo rokuvashumira pazvinhu zvenyama.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 15 SNA2002

VaRoma 15:26-27 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ndinodaro nokuti vokuMasedhonia nevekuAkaya vakafarira kuti vape chipo kuvarombo mukati mavatsvene vokuJerusaremu. Ivo ndivo zvavo vakafarira kuzviita. Asi zviripowo zvazvo ndezvokuti, vanofanira kubatsira varombo ivavo. Nokuti vaJudha vakagoverana zvikomborero zvomweya nevechirudzi saizvozvowo vechirudzi vanofanira kubatsira vaJudha nezvinhu zvenyama.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 15 SCLBD

VaRoma 15:26-27 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuti ʋeMakedonia naʋeAkaya ʋakati ɀakanaka kuti ʋagoʋane naʋarombo paʋatȿene ʋari paJerusarema. Nokuti ʋakati ɀakanaka; ʋaneŋgaʋa naʋo. Nokuti kana ʋahedeni ʋakaitwa ʋagoʋani naʋo paɀinhu ɀoMŋeya, ʋaneŋgaʋa ʋo rokuʋashumira paɀinhu ɀenyama.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 15 SUB1949

VaRoma 15:26-27 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

VaRoma 15 SCLB