VaRoma 15:2-3 - Enzanisa Shanduro Dzose
VaRoma 15:2-3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe nomumwe wedu anofanira kufadza muvakidzani wake pane zvakanaka, zvinomuvaka. Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Kutuka kwaavo vakakutuka kwakawira pamusoro pangu.”
VaRoma 15:2-3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mumwe nomumwe wedu ngaafadze wokwake pane zvakanaka zvinosimbisa. Nokuti Kristuwo haana kuzvifadza; asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Kuzvidza kwavakakuzvidza nako kwakawira pamusoro pangu.”
VaRoma 15:2-3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Mumŋe nomumŋe weɗu ŋgaafadze wokwake paneɀakanaka ɀinosimbisa. Nokuti Kristu ʋo haana‐kuɀifadza; asi seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Kuɀidza kwaʋakakuɀidza nako kwakawira pamsoro paŋgu.
VaRoma 15:2-3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu wose anofanira kuitira mumwe wake zvinomufadza zvinomubatsira nokumusimbisa nokuti Kristu haana kungozvifadza zvake asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kuzvidza kwaavo vakakuzvidzai kwakauya kwandiri.”
VaRoma 15:2-3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)