VaRoma 14:8-12
VaRoma 14:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa tinofira Ishe. Saka, kana tichirarama kana kufa tiri vaShe. Nokuda kwaizvozvo, Kristu akafa uye akamuka kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu. Naizvozvo, iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo unozvidzireiko hama yako? Nokuti tose tichamira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari. “Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe, ‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu; rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ ” Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.
VaRoma 14:8-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kana tichirarama tinoraramira Ishe; kana tichifa, kana tichifa tinofira Ishe; zvino kana tichirarama, kana tichifa, tiri vaIshe. Nokuti Kristu akafira izvozvi, akararamazve kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu. Zvino iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo, unozvidzireiko hama yako? Nokuti isu tose tichamira pachigaro chokutonga chaMwari. Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Noupenyu hwangu ndizvo zvinoreva Ishe ibvi rimwe nerimwe richandipfugamira, Rurimi rumwe norumwe ruchakudza Mwari.” Naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.
VaRoma 14:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kana tiri vapenyu tinoraramira Tenzi. Uye kana tichifa tinofira Tenzi. Saizvozvo kana tikararama kana kufa tiri vaTenzi. Izvozvi ndizvo zvakafira Kristu akava mupenyuzve kuti ave Tenzi wavakafa navapenyu. Unopireiko hama yako mhosva! Ko iwewo unoshorerei mumwe wako! Iyesu tose tichandomira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari, nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi, ibvi rose richandigwadamira uye rurimi rwose rucharumbidza Mwari.” Naizvozvo mumwe nomumwe wedu achandozvidavirira pana Mwari.
VaRoma 14:8-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kana ticirarama tinoraramira Ishe; kana ticifa, tinofira Ishe; ɀino kana ticirarama, kana ticifa, tiri ʋaShe. Nokuti Kristu wakafira iɀoɀi, akararama ɀe kuti aʋe Ishe waʋose — ʋakafa naʋapenyu. Ɀino iwe, unopireiko hama yako mhoȿa? Kana newe ʋo, unoɀidzireiko hama yako? Nokuti isu tose ticamira pacigaro cokutoŋga caMŋari. Nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe — ibvi rimŋe nerimŋe ricandifugamira, Rurimi rumŋe norumŋe rucakudza Mŋari. Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe weɗu ucaɀiɗaʋirira kunaMŋari.
VaRoma 14:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)