VaRoma 14:6-9
VaRoma 14:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyo anokoshesa zuva rimwe, anozviitira Ishe. Uyo anodya nyama, anodya nokuda kwaShe, nokuti anovonga Mwari; uye naiye anorega kudya, anorega nokuda kwaShe, uye anovonga Mwari. Nokuti hakuna mumwe wedu anozviraramira pachake, uye hakuna mumwe wedu anozvifira iye pachake. Kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa tinofira Ishe. Saka, kana tichirarama kana kufa tiri vaShe. Nokuda kwaizvozvo, Kristu akafa uye akamuka kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu.
VaRoma 14:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uyo anochengeta zuva, anorichengeta nokuda kwaIshe; uyo anodya, anodya nokuda kwaIshe, nokuti anovonga Mwari; uyo asingadyi, haadyi nokuda kwaIshe, naiye anovonga Mwari. Nokuti hakuna mumwe wedu anozviraramira iye oga, hakuna anozvifira iye oga. Nokuti kana tichirarama tinoraramira Ishe; kana tichifa, kana tichifa tinofira Ishe; zvino kana tichirarama, kana tichifa, tiri vaIshe. Nokuti Kristu akafira izvozvi, akararamazve kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu.
VaRoma 14:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti anochengeta zuva anochengeta achikudza Tenzi. Anodyawo anodya achikudza Tenzi nokuti anotenda Mwari. Uyewo uyo asingadyi anorega pamusana pokukudza Tenzi achitenda Mwari. Hapana mumwe wedu anozviraramira iye pachake; hapanawo mumwe wedu anozvifira iye pachake. Kana tiri vapenyu tinoraramira Tenzi. Uye kana tichifa tinofira Tenzi. Saizvozvo kana tikararama kana kufa tiri vaTenzi. Izvozvi ndizvo zvakafira Kristu akava mupenyuzve kuti ave Tenzi wavakafa navapenyu.
VaRoma 14:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Uyo unoceŋgeta zuʋa, unoriceŋgeta nokuɗa kwaShe; uyo unodya, unodya nokuɗa kwaShe, nokuti unoʋoŋga Mŋari; uyo usiŋgadyi, haadyi nokuɗa kwaShe, naiye unoʋoŋga Mŋari. Nokuti hakunomumŋe weɗu unoɀiraramira iye oga, hakuna‐unoɀifira iye oga. Nokuti kana ticirarama tinoraramira Ishe; kana ticifa, tinofira Ishe; ɀino kana ticirarama, kana ticifa, tiri ʋaShe. Nokuti Kristu wakafira iɀoɀi, akararama ɀe kuti aʋe Ishe waʋose — ʋakafa naʋapenyu.
VaRoma 14:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)