VaRoma 14:13-20
VaRoma 14:13-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake. Somunhu ari muna Ishe Jesu, ndinoziva kwazvo kuti hakuna chokudya chine tsvina. Asi kana mumwe munhu akati chakasvibiswa, naizvozvo hachina kuchena kwaari. Kana hama yako ichikanganiswa nokuda kwezvaunodya, iwe hauchafambi murudo. Usaparadza hama yako, iyo yakafirwa naKristu, nokuda kwezvokudya. Usatendera kuti zvaunoti zvakanaka zvinzi zvakaipa. Nokuti umambo hwaMwari hahuzi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama norugare uye nomufaro muMweya Mutsvene, nokuti ani naani anoshumira Kristu nenzira iyi anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu. Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo. Musaparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvokudya zvose zvakachena, asi hazvina kunaka kuti munhu adye chinhu chipi zvacho chingagumbusa mumwe munhu.
VaRoma 14:13-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo ngatirege kuramba tichitongana; asi zviri nani kuti mutonge, kuti munhu arege kuisa chigumbuso kana chinopinganidza pamberi pehama yake. Ndinoziva, nokuzivisisa kwazvo muna Ishe Jesu, kuti hakuna chinhu chine tsvina. Nokuti kana hama yako ichisvibiswa mwoyo nokuda kwezvokudya, iwe hauchafambi norudo. Usaparadza nezvokudya zvako uyo akafirwa naKristu. Naizvozvo kunaka kwenyu ngakurege kuzvidzwa. Nokuti ushe hwaMwari hazvizi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMweya Mutsvene. Nokuti unobatira Kristu pazvinhu izvi, anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu. Naizvozvo ngatitsvake izvo zvinouyisa rugare nezvatingasimbisana nazvo. Regai kuparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvinhu zvose zvakanaka hazvo, asi zvakaipira munhu anodya achigumbusa vamwe.
VaRoma 14:13-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo ngatiregei kupana mhosva asi ngatitozviitirai chisungo chokuti hatimboisa chinopingiridza kana chinodzivirira panzira yehama yedu. Ndinoziva uye ndinokurudzirwa muna Tenzi Jesu kuti hapana chinhu chakan'ora pachacho asi kuti chakan'orera kuno uyo anochiti chakan'ora. Kana hama yako ichiodzwa mwoyo nezvauri kudya hauchisiri kuita zvine rudo. Usaite kuti chaunodya chiparadze munhu akafirwa naKristu. Saka usaite kuti chakanaka kwauri chizonzi chakaipa nokuti umambo hwaMwari haurevi chokudya kana chokunwa asi hunoreva ururami norugare nokufara muna Mweya Mutsvene. Munhu anoshandira Kristu zvakadai, munhu anofadza Mwari uye anodiwawo navanhu. Naizvozvo ngativavarirei kuita zvinounza rugare nezvinoita kuti tivakane. Musaparadze basa raMwari pamusana pezvokudya. Chokudya chose chakanaka asi hazvina kunaka kuti munhu aite kuti vamwe vatadze pamusana pezvaanodya.
VaRoma 14:13-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ŋgatirege kuramba ticitoŋgana; asi ɀirinani kuti mutoŋge, kuti munhu arege kuisa cigumbuso kana cinopiŋganidza pamberi pehama yake. Ndinoziʋa, nokuziʋisisa kwaɀo munaShe Jesu, kuti hakunecinhu cinetȿina cimeme; asi uyo unoti, cinetȿina, kwaari cinetȿina. Nokuti kana hama yako iciȿiɓiswa mŋoyo nokuɗa kweɀokudya, iwe haucafambi noruɗo. Usaparadza neɀokudya ɀako uyo wakafirwa naKristu. Naiɀoɀo kunaka kwenyu ŋgakurege kuɀidzwa. Nokuti ʋushe bgaMŋari haɀizi ɀokudya kana ɀokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMŋeya Mutȿene. Nokuti unoɓatira Kristu paɀinhu iɀi, unofadza Mŋari, ʋuye unotendwa naʋanhu. Naiɀoɀo ŋgatitȿake iɀo ɀinoʋuyisa rugare neɀatiŋgasimbisana naɀo. Regai kuparadza ɓasa raMŋari nokuɗa kweɀokudya. Ɀinhu ɀose ɀakanaka haɀo: asi ɀakaipira munhu unodya acigumbusa ʋamŋe.
VaRoma 14:13-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)