VaRoma 14:10-13
VaRoma 14:10-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo unozvidzireiko hama yako? Nokuti tose tichamira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari. “Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe, ‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu; rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ ” Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari. Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake.
VaRoma 14:10-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo, unozvidzireiko hama yako? Nokuti isu tose tichamira pachigaro chokutonga chaMwari. Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Noupenyu hwangu ndizvo zvinoreva Ishe ibvi rimwe nerimwe richandipfugamira, Rurimi rumwe norumwe ruchakudza Mwari.” Naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari. Naizvozvo ngatirege kuramba tichitongana; asi zviri nani kuti mutonge, kuti munhu arege kuisa chigumbuso kana chinopinganidza pamberi pehama yake.
VaRoma 14:10-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Unopireiko hama yako mhosva! Ko iwewo unoshorerei mumwe wako! Iyesu tose tichandomira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari, nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi, ibvi rose richandigwadamira uye rurimi rwose rucharumbidza Mwari.” Naizvozvo mumwe nomumwe wedu achandozvidavirira pana Mwari. Saizvozvo ngatiregei kupana mhosva asi ngatitozviitirai chisungo chokuti hatimboisa chinopingiridza kana chinodzivirira panzira yehama yedu.
VaRoma 14:10-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino iwe, unopireiko hama yako mhoȿa? Kana newe ʋo, unoɀidzireiko hama yako? Nokuti isu tose ticamira pacigaro cokutoŋga caMŋari. Nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe — ibvi rimŋe nerimŋe ricandifugamira, Rurimi rumŋe norumŋe rucakudza Mŋari. Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe weɗu ucaɀiɗaʋirira kunaMŋari. Naiɀoɀo ŋgatirege kuramba ticitoŋgana; asi ɀirinani kuti mutoŋge, kuti munhu arege kuisa cigumbuso kana cinopiŋganidza pamberi pehama yake.
VaRoma 14:10-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)