Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 14:1-12

VaRoma 14:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mugamuchire uyo asina kusimba pakutenda kwake, musingamutongi kana kuita gakava naye pamusoro penyaya dzisingapindirani. Kutenda kwomumwe kunomutendera kudya zvose, asi mumwe munhu ano kutenda kusina kusimba, anodya muriwo bedzi. Munhu anodya zvose ngaarege kuzvidza asingadyi, uye munhu asingadyi zvose ngaarege kupa mhosva munhu anodya, nokuti Mwari akamugamuchira. Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe mhosva? Iye anomira kana kuti anowa pamberi patenzi wake. Uye achamira, nokuti Ishe anokwanisa kuita kuti amire. Mumwe munhu anokoshesa rimwe zuva kupfuura rimwe: mumwe munhu anoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazvizivire kwazvo mumwoyo make. Uyo anokoshesa zuva rimwe, anozviitira Ishe. Uyo anodya nyama, anodya nokuda kwaShe, nokuti anovonga Mwari; uye naiye anorega kudya, anorega nokuda kwaShe, uye anovonga Mwari. Nokuti hakuna mumwe wedu anozviraramira pachake, uye hakuna mumwe wedu anozvifira iye pachake. Kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa tinofira Ishe. Saka, kana tichirarama kana kufa tiri vaShe. Nokuda kwaizvozvo, Kristu akafa uye akamuka kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu. Naizvozvo, iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo unozvidzireiko hama yako? Nokuti tose tichamira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari. “Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe, ‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu; rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ ” Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 14

VaRoma 14:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Garai zvakanaka nomunhu ane chitendero chisina kusimba. Mugamuchirei asi musingaiti gakava naye pane zvaanofunga. Mumwe anotenda kuti anogona kudya chero chinhu asi asina kusimba uya achingodya mirio yoga. Anodya chinhu ngaarege kushora uyo asingadyi. Asingadyi uya ngaarege kupa mhosva uya anodya zvake nokuti Mwari anomugamuchira. Iwe ndiwe ani unopa mhosva muranda womumwe. Kubudirira kwake kana kusabudirira kwake muridzi wake ndiye anokuona. Achabudirira nokuti Tenzi wake ndiye anogona kuti abudirire. Mumwe munhu anofunga kuti rimwe zuva riri nani kupinda rimwe, mumwewo achitora mazuva ose seakangoenzana. Mumwe nomumwe ngaanyatsotendeseka mumwoyo make nokuti anochengeta zuva anochengeta achikudza Tenzi. Anodyawo anodya achikudza Tenzi nokuti anotenda Mwari. Uyewo uyo asingadyi anorega pamusana pokukudza Tenzi achitenda Mwari. Hapana mumwe wedu anozviraramira iye pachake; hapanawo mumwe wedu anozvifira iye pachake. Kana tiri vapenyu tinoraramira Tenzi. Uye kana tichifa tinofira Tenzi. Saizvozvo kana tikararama kana kufa tiri vaTenzi. Izvozvi ndizvo zvakafira Kristu akava mupenyuzve kuti ave Tenzi wavakafa navapenyu. Unopireiko hama yako mhosva! Ko iwewo unoshorerei mumwe wako! Iyesu tose tichandomira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari, nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi, ibvi rose richandigwadamira uye rurimi rwose rucharumbidza Mwari.” Naizvozvo mumwe nomumwe wedu achandozvidavirira pana Mwari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 14

VaRoma 14:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)