VaRoma 13:4
VaRoma 13:4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti iye muranda waMwari anofanira kuti akuitire zvakanaka. Asi kana ukaita zvakaipa, itya, nokuti iye haabati munondo pasina. Nokuti iye ndiye muranda waMwari, mutumwa wokutsamwa, anoranga vaiti vezvakaipa.
VaRoma 13:4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kunoanoita zvakaipa.
VaRoma 13:4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti iye muranda waMwari kuti zvikufambire zvakanaka. Asi ukaita zvakaipa unofanira kutya nokuti haabatire bakatwa pasina. Iye muranda waMwari wokurangira Mwari munhu anoita zvakaipa.
VaRoma 13:4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti ndiye mushumiri waMŋari kwauri, kuti akuitire ɀakanaka. Asi kana uciita ɀakaipa, citya; nokuti iye haaɓati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMŋari, mutsiʋi wokutsamŋa kunounoita ɀakaipa.