VaRoma 13:13-14
VaRoma 13:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ngatiraramei zvakafanira mararamiro apamasikati, tisingaiti kutamba kwakaipa uye nokudhakwa, kana upombwe, kana utere, kana gakava kana godo. Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, uye musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.
VaRoma 13:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ngatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana noupombwe, noutere, kana negakava, negodo. Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.
VaRoma 13:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngatizvibatei sezvatinoita masikati, tisingatambi zvakaipa, nokuraradza noupombwe nokuzviregerera nokukakavadzana nokuitirana shanje. Regai Kristu ave ndiye demautare renyu rokuzvidziirira naro muhondo, murege kuva nehanya nezvenyama kuti mugutse havi dzayo.
VaRoma 13:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ŋgatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisiŋgafambi nokutamba kwakaipa, nokuɓatwa, kana noʋupombge, noʋutere, kana negakaʋa, negoɗo. Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatȿaka kufadza nyama pakuciʋa kwayo.
VaRoma 13:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)