VaRoma 13:1-6
VaRoma 13:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munhu wose anofanira kuzviisa pasi pavatungamiri venyika, nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari. Vane simba rokutonga vakaiswapo naMwari. Saka naizvozvo, anoramba kuteerera vari kutonga, ari kumukira zvakaiswapo naMwari, uye vanoita izvi vanozvitsvagira kutongwa. Nokuti vatongi havatyisi vaya vanoita zvakanaka, asi vanotyisa vaya vanoita zvakaipa. Unoda kusunungurwa here kuti usatya ane simba rokutonga? Ipapo ita zvakanaka uye achakurumbidza. Nokuti iye muranda waMwari anofanira kuti akuitire zvakanaka. Asi kana ukaita zvakaipa, itya, nokuti iye haabati munondo pasina. Nokuti iye ndiye muranda waMwari, mutumwa wokutsamwa, anoranga vaiti vezvakaipa. Naizvozvo, zvinokosha kuzviisa pasi pavabati, kwete nokuti tinotya kurangwa chete, asi nokuda kwehanawo. Ndokusaka muchiripawo mitero, nokuti vabati varanda vaMwari, vanopa nguva yavo yose pakutonga.
VaRoma 13:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari; iwo aripo akaiswapo naMwari. Saka anoramba simba, anodzivisa zvakaiswapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa, vanozvitorera mhosva. Nokuti vabati havatyisi anobata basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa naro; nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kunoanoita zvakaipa. Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi pavo, musingadaro nokuda kwokutsamwa bedzi, asi nokuda kwehanawo. Nokuti nemhaka iyo munoripawo mutero; nokuti ndiwo varanda vaMwari, vanoramba vachingobatira chinhu icho.
VaRoma 13:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu wose ngaave pasi pehurumende inenge ichitonga nokuti hapana simba rokutonga risingabvi kuna Mwari. Vari kutonga vakatoiswapo naMwari. Saizvozvo munhu anoramba kuteerera vatongi, anoramba kuteerera vakagadzwa naMwari. Vanorambawo kuteerera vacharangwa. Vatongi havasi chinhu chinotyisa kuna vanoita zvakanaka asi kuna vanoita zvakaipa. Unoda here kurega kutya vane simba rokutonga? Kana zvakadaro ramba uchiita zvakanaka. Iye achati kwauri zvakanaka, nokuti iye muranda waMwari kuti zvikufambire zvakanaka. Asi ukaita zvakaipa unofanira kutya nokuti haabatire bakatwa pasina. Iye muranda waMwari wokurangira Mwari munhu anoita zvakaipa. Naizvozvo kuzviisa pasi kuya kunofanira kuitwa kwete kunzvenga chete kuranga kwaMwari asi nokuda kokuterera hana yako. Munoripa mutero nechikonzero chimwechetecho nokuti vatongi vashandi vaMwari vanoita basa irori.
VaRoma 13:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munhu mumŋe nomumŋe ŋgaaɀiise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina‐kubʋa kunaMŋari; iwo ari’po akaiswa’po naMŋari. Saka unoramba simba, unodziʋisa ɀakaiswa’po naMŋari; ɀino iʋo ʋanodziʋisa, ʋanoɀitorera mhoȿa. Nokuti ʋaɓati haʋatyisi unoɓate‐ɓasa rakanaka, asi rakaipa. Unoɗa kusatya simba here? Ita ɀakanaka, ugorumbidzwa naro; nokuti ndiye mushumiri waMŋari kwauri, kuti akuitire ɀakanaka. Asi kana uciita ɀakaipa, citya; nokuti iye haaɓati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMŋari, mutsiʋi wokutsamŋa kunounoita ɀakaipa. Naiɀoɀo munofanira kuɀiisa pasi paʋo, musiŋgaɗaro nokuɗa kwokutsamŋa ɓedzi, asi nokuɗa kwehana ʋo. Nokuti nemhaka iyo munoripa ʋo mutero; nokuti ndiʋo ʋaranda ʋaMŋari, ʋanoramba ʋaciŋgoɓatira cinhu ico.
VaRoma 13:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)