VaRoma 12:6-7
VaRoma 12:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake. Kana kuri kushumira ngaashumire; kana kuri kudzidzisa, ngaadzidzise
VaRoma 12:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tine zvipo zvakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuporofita, ngatiporofite zvakaenzana nokutenda kwedu; kana kuri kushumira, ngazvionekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu
VaRoma 12:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tine zvipo zvakasiyana–siyana maererano nenyasha dzatakapiwa; ngatizvishandisei. Kana chiri chipo chokuporofita, tinofanira kuporofita zvinofambirana nechitendero chedu. Kana chiri chokuitira vamwe mabasa ngatiitei mabasa, iwayo, anodzidzisa, ngaachisevenzese mukudzidzisa.
VaRoma 12:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tineɀipo ɀakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuprofita, ŋgatiprofite ɀakaenzana nokutenda kweɗu; kana kuri kushumira, ŋgaɀiʋonekwe pakushumira kweɗu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kweɗu
VaRoma 12:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)