VaRoma 12:16-18
VaRoma 12:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera. Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.
VaRoma 12:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ivai nomwoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamwoyo yenyu makachenjera. Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.
VaRoma 12:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Garai muchinzwanana; Musazvikudze. Fambidzanai navapasi pasi. Musambozvitutumadza. Musatsive chakaipa nechakaipa. Vavarirai kuita chinenge chichinzi navose chakanaka. Kana zvichikwanisika sokugona kwenyu garisanai navanhu vose zvakanaka.
VaRoma 12:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iʋai nomŋoyo mumŋe pakati penyu. Musatȿaka ɀinorumbidzwa, asi mufambidzane naʋanoɀininipisa. Musati pamŋoyo yenyu makacenjera. Musatsiʋa munhu cakaipa kana akuitirai cakaipa. Tȿakai ɀakarurama pamberi paʋanhu ʋose. Kana ɀicibvira, pamunogona napo, iʋai norugare naʋanhu ʋose.
VaRoma 12:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Garai muchinzwanana; Musazvikudze. Fambidzanai navapasi pasi. Musambozvitutumadza. Musatsive chakaipa nechakaipa. Vavarirai kuita chinenge chichinzi navose chakanaka. Kana zvichikwanisika sokugona kwenyu garisanai navanhu vose zvakanaka.