VaRoma 12:14-21
VaRoma 12:14-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai musatuka. Farai navanofara; chemai navanochema. Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera. Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe. Asi: “Kana muvengi wako ane nzara mupe zvokudya, kane ane nyota mupe chokunwa. Mukuita izvi, uchatutira mazimbe anopisa pamusoro wake.” Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
VaRoma 12:14-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. Farai navanofara; chemai navanochema. Ivai nomwoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamwoyo yenyu makachenjera. Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva, vadikanwi, asi mudziurire kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe.” Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake. Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
VaRoma 12:14-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Itii, Mwari ngaakomborere vanokushushai; vakumbirirei chikomborero, musavarengerere rushambwa. Farai navanofara, muchemewo navanochema. Garai muchinzwanana; Musazvikudze. Fambidzanai navapasi pasi. Musambozvitutumadza. Musatsive chakaipa nechakaipa. Vavarirai kuita chinenge chichinzi navose chakanaka. Kana zvichikwanisika sokugona kwenyu garisanai navanhu vose zvakanaka. Hama dzangu dzadiwa, musatsividze asi zvisiirei kuna Mwari anoranga nehasha dzake nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Kutsividza ndokwangu. Ini ndini ndinodzorera.” Ndizvo zvinotaura Tenzi. Kwete, kana muvengi wako ane nzara mupe chokudya. Kana ane nyota mupe chokunwa. Nokuti ukaita zvakadaro unotounganidza mazimbe omoto pamusoro pake. Usakundwe nezvakaipa asi kunda zvakaipa nokuita zvakanaka.
VaRoma 12:14-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ropafadzai ʋanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. Farai naʋanofara; cemai naʋanocema. Iʋai nomŋoyo mumŋe pakati penyu. Musatȿaka ɀinorumbidzwa, asi mufambidzane naʋanoɀininipisa. Musati pamŋoyo yenyu makacenjera. Musatsiʋa munhu cakaipa kana akuitirai cakaipa. Tȿakai ɀakarurama pamberi paʋanhu ʋose. Kana ɀicibvira, pamunogona napo, iʋai norugare naʋanhu ʋose. Musatsiʋa, ʋaɗikanwa, asi mudziʋurire kutsamŋa; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Kutsiʋa ndokwaŋgu, ini ndicaripira — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe. Asi kana muʋeŋgi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uciita iɀoɀo, ucatutira mazimbe omŋoto pamusoro wake. Usakundwa neɀakaipa, asi ukunde ɀakaipa neɀakanaka.
VaRoma 12:14-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)