Svetukira kuzviri mukati

VaRoma 11:12 - Enzanisa Shanduro Dzose

VaRoma 11:12 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvino kana kudarika kwavo kuchipfumisa nyika, uye kurasikirwa kwavo kuchireva pfuma kune veDzimwe Ndudzi, kuzara kwavo kuchauyisa pfuma yakakura zvakadii!

VaRoma 11 BDSC

VaRoma 11:12 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino kana kuwa kwavo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwavo kwakafumisa vahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?

VaRoma 11 SNA2002

VaRoma 11:12 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino kana kuwa kwaʋo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwaʋo kwakafumisa ʋahedeni, ɀikuru sei kuzara kwaʋo?

VaRoma 11 SUB1949

VaRoma 11:12 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Zvino kana kukanganisa kwavo ikoko kwakapfumisa pasi pose uyewo kana kukundika kwavo kuchitopfumisa vechirudzi, ko kutozoti kana tazara, tava tose pamwechete navo!

VaRoma 11 SCLB

VaRoma 11:12 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Zvino kana kukanganisa kwavo ikoko kwakapfumisa pasi pose uyewo kana kukundika kwavo kuchitopfumisa vechirudzi, ko kutozoti kana tazara, tava tose pamwechete navo!

VaRoma 11 SCLBD