Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

VaRoma 11:11 - Enzanisa Shanduro Dzose

VaRoma 11:11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvakare ndinobvunza ndichiti: Ko, vakagumbuswa vakawa zvokusazomukazve here? Kwete napaduku pose! Asi kuti nokuwa kwavo ruponeso rwakauya kune veDzimwe Ndudzi kuti Israeri ive negodo.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 11 BDSC

VaRoma 11:11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino ndinoti, Vakagumbuswa kuti vawe here? Haisva! Asi nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuti vamutsirwe godo.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 11 SNA2002

VaRoma 11:11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino ndinoti: Ʋakagumbuswa kuti ʋawe here? Haiȿa! Asi nokuwa kwaʋo ruponeso rwakaȿika kuʋahedeni, kuti ʋamutsirwe goɗo.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 11 SUB1949

VaRoma 11:11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ko zvino ndingati vakagumburwa zvokubva vawira pasi zvachose here? Kwete, handizvoba. Asi nokukanganisa kwavo ikoko ruponeso rwakabva rwaenda kune vechirudzi kuti vaIsiraeri vaite shanje.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 11 SCLB

VaRoma 11:11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ko zvino ndingati vakagumburwa zvokubva vawira pasi zvachose here? Kwete, handizvoba. Asi nokukanganisa kwavo ikoko ruponeso rwakabva rwaenda kune vechirudzi kuti vaIsiraeri vaite shanje.

Pakurirana nevamwe
VaRoma 11 SCLBD