VaRoma 10:2-4 - Compare All Versions
VaRoma 10:2-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kushingairira kwavo havakuiti nokuziva. Nokuti, sezvo vakanga vasingazivi kururama kunobva kuna Mwari uye vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari. Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.
VaRoma 10:2-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi havaiti nokuziva. Nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pokururama kwaMwari. Nokuti Kristu ndimugumo womurayiro, kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.
VaRoma 10:2-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ndinovapupurira kuti vane shungu naMwari asi havana ruzivo, nokuti nokusaziva kururamiswa kunobva kuna Mwari vakatsvaka nzira dzavo dzokururamiswa. Havana kutsvaka kururamiswa kunobva kuna Mwari. Kristu ndiye akagumisa mutemo kuti munhu wose ane chitendero aruramiswe.
VaRoma 10:2-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti ndinoʋapupurira kuti ʋanoshiŋgairira Mŋari, asi haʋaiti nokuziʋa. Nokuti, ɀaʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kururama kwaMŋari, ʋakatȿaka kumisa kururama kwaʋo ʋamene, ʋakasaɀiisa pasi pokururama kwaMŋari. Nokuti Kristu ndimugumo womurairo, kuti mumŋe nomumŋe unotenda aruramiswe.
VaRoma 10:2-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)