VaRoma 10:16-17
VaRoma 10:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi havasi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?” Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.
VaRoma 10:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi vose havana kuteerera mashoko omufaro. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?” Naizvozvo kutenda kunouya nokunzwa, nokunzwa kunouya neshoko raKristu.
VaRoma 10:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asika havasi vose vakateerera Shoko Rakanaka, sezvinotaurwa naIsaya anoti, ‘Tenzi ndiani akatenda zvaakanzwa kwatiri. Saizvozvo chitendero chinobva mune zvatinonzwa. Zvatinonzwa zvinobva mukuparidzwa kwaKristu.’ ”
VaRoma 10:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ʋose haʋana‐kuterera mashoko omufaro. Nokuti Isaya unoti: Ishe, ndianiko wakatenda ɀatakaparidza? Naiɀoɀo kutenda kunoʋuya nokunzwa, nokunzwa kunoʋuya neshoko raKristu.
VaRoma 10:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)