VaRoma 1:9 - Enzanisa Shanduro Dzose
VaRoma 1:9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari, wandinoshumira nomwoyo wangu wose mukuparidza vhangeri roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ndinoramba sei ndichikurangarirai
VaRoma 1:9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Mwari chapupu changu, iye wandinoshumira mumweya wangu muVhangeri yoMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai
VaRoma 1:9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti Mŋari capupu caŋgu, iye wandinoshumira mumŋeya waŋgu muEvaŋgeri yoMŋanakomana wake, kuti handiregi kukuraŋgarirai
VaRoma 1:9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti Mwari iye wandinoshandira nomwoyo wangu wose nokuparidza kwandinoita Shoko Rakanaka roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ini ndinoramba ndichingokudomai muminamato yangu
VaRoma 1:9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ndinodaro nokuti Mwari iye wandinoshandira nomwoyo wangu wose nokuparidza kwandinoita Shoko Rakanaka roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ini ndinoramba ndichingokudomai muminamato yangu