VaRoma 1:29-32
VaRoma 1:29-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakazadzwa nokusarurama kworudzi rwose, kuipa, makaro nokurasika. Vakazara negodo, umhondi, nokukakavara, unyengeri nokuvenga. Vane makuhwa, vanochera vamwe, vanovenga Mwari, vanodada, vanozvikudza uye vanozvirumbidza; vanovamba nzira dzokuita zvakaipa; havateereri vabereki vavo; havafungi, havana kutenda, vane mwoyo wakaipa, havana tsitsi. Kunyange zvavo vachiziva mutemo wakarurama waMwari kuti avo vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havarambi vachiita zvinhu izvi bedzi, asi kuti vanotenderanawo navanozviita.
VaRoma 1:29-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
vakazadzwa nokusarurama kwose; nokuipa, noruchiva, nokuvenga; vakazara negodo, nokuuraya, norukave, nokunyengera, nechinya; vanhu vanoita zeve-zeve, navacheri, navanovenga Mwari, navanodada navanozvikudza, navanozvirumbidza, navavambi vezvakaipa, navasingateereri vabereki, namapenzi, navanoputsa sungano, navasina rudo kwarwo, vasina ngoni. Avo, kunyange vachiziva havo chirevo chaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havaiti izvo bedzi, asi vanotenderana navanozviita.
VaRoma 1:29-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakazara nouipi hose hunoti umambara ruchiva noutsinye. Vazere nokusafarira zvakanaka zvavamwe noumhondi nounyengedzi, nouipi hwakakomba nokurevana namakuhwa, nokuva vanhu vanovenga Mwari navanozvikudza navanozvirova dundundu navanozvitutumadza navane rubatabata, navasingateereri vabereki namapenzi avanhu, vanhu vasina chitendero, vasina mwoyo uye vasingakatari. Kunyange zvazvo vachiziva chirevo chaMwari chinoti vanoita zvakadaro vanofanira kufa, havangoita izvozvo chete asi kuti vanotobvumirana navanoita izvozvo.
VaRoma 1:29-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ʋakazadzwa nokusarurama kwose, nokuipa, noruciʋa, nokuʋeŋga; ʋakazara negoɗo, nokuʋuraya, norukaʋe, nokunyeŋgera, necinya; ʋanhu ʋanoita zeʋe‐zeʋe, naʋaceri, naʋanoʋeŋga Mŋari, naʋanoɗaɗa, naʋanoɀikudza, naʋanoɀirumbidza, naʋaʋambi ʋeɀakaipa, naʋasiŋgatereri ʋaɓereki, namapenzi, naʋanoputsa suŋgano, naʋasinoruɗo kwarwo, ʋasineŋgoni. Aʋo, kunyaŋge ʋaciziʋa haʋo cireʋo caMŋari, kuti ʋanoita ɀakaɗai ʋakafanirwa norufu, haʋaiti iɀo ɓedzi, asi ʋanotenderana naʋanoɀiita.
VaRoma 1:29-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)